Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 31:17-55

Mavambo 31:17-55 SCLBD

Jakobho akarongedza, ndokukwidza vana vake namadzimai avo panghamera. Akatorawo upfumi hwake hwose. Vakatinha zvipfuwo zvavo zvose zvavakanga vawana kuMesopotamia, vakaenda nazvo kunyika yeKanani, kuna baba vavo Isaki. Rabhani akanga aenda kundoveura makushe ehwai dzake, Rakeri sarei oba tumwari twokuveza twababa vake Rabhani. Jakobho akanyengedza Rabhani muAramu, nokurega kumuudza kwaakaita kuti akanga afunga zvokuenda. Nokudaro akatiza nezvose zvaakanga anazvo akayambuka rwizi rwaYufuratesi, akafamba akananga kunyika yeGireadhi yamakomo. Kuzoti kwapera mazuva matatu, Rabhani akaudzwa kuti Jakobho akatiza. Rabhani akatorana nehama dzake akamuronda kwerwendo rwamazuva manomwe, akamubatira kumakomo eGireadhi. Kuzoti hwave usiku, Mwari akauya mukurota kuna Rabhani muAramu akamuyambira achiti, “Usambotaura zvako kana chii zvacho chakaipa kuna Jakobho.” Rabhani akasvika paiva naJakobho akanga adzika matendhe ake mumakomo. Rabhani nehama dzake akadzikawo matendhe ake mumakomo eGireadhi. Rabhani akati kuna Jakobho, “Ndicho chii ichochi chawandiitira, kundinyengedza kudai, uchitutana navabvana vangu senhapwa dzokubatira mapfumo? Sei waita zvokusvova uchindinyengedza kudai, usinganditaurire? Ko unoti ndingadai ndisina kukuitirawo mabiko takafara tichipembera, tichiimba zvedu tichiridza ngoma nezvipendani? Ungabva watorega nokundiwanisa kana mukana wokuti nditsvode vazukuru vangu navabvana vangu ndichionekana navo? Zvawaita izvi ndezvoupenzi. Izvozvi ndinogona zvangu kukuita chimwe chinhu, dai pasina Mwari wababa vako ataura neni usiku hwanhasi achiti, ‘Usambotaura zvako kana chii zvacho chakaipa kuna Jakobho.’ Ko zvawakatiza pamusana pokuda kudzokera kumusha kwababa wako, wakagobireiko vamwari vangu?” Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndaitya kuti zvimwe mungandibvutire vanasikana venyu. Kana mukawana paine munhu ane vamwari venyu ngaaurayiwe. Zvino, hama dzenyu dzichizviona kudai, nyatsotsvakai chenyu chandinacho, mutore.” Asi Jakobho akanga asingazive kuti Rakeri ndiye akanga aba vamwari ivavo. Rabhani akatsvaka mutendhe raJakobho nomutendhe raRea nomutendhe ravaranda vechikadzi vaviri vaya, asi haana chaakawana. Akabuda mutendhe raRea akandotsvaka mutendhe raRakeri. Rakeri akanga atora vamwari vacho akavaviga muchityaro chengamera ndokubva agara pamusoro pacho. Rabhani akaparapatika kutsvaga pose pose mutendhe umu, asi hapana chaakawana. Rakeri ndokutaurira baba vake achiti, “Musanditsamwire zvenyu shewe. Ini handisi kukwanisa kukusumukirai nokuti ndiri panguva yangu yokutevera.” Rabhani akatsvakisisa asi haana kuwana vamwari vake. Jakobho akabva atsamwa kwazvo akapopotera Rabhani achiti, “Ko chandakakutadzirai chii? Ko chakaipa chandakaita ndechipi, zvamanditevera muchitoita zvokuvhima kudai? Zvamaparapatika mukagwedebudza mikwende yangu yose, zvino chenyu chamawana ndechipi? Tiratidzei pano apa, hama dzedu nemi dzichionewo, dzititonganise. Ndakagara nemi makumi maviri amakore, hwai nembudzi dzenyu hadzina kumbosvodza. Handina kubaya hondohwe dzamatanga enyu ndichidya. Zvipfuwo zvainge zvarumwa nezvikara handaikuudzai imi, asi ndaizvitsiva nezvangu pachangu. Zvipfuwo zvainge zvabiwa masikati kana usiku maindiripisa. Masikati ndaitsva nezuva, usiku ndichidedera nechando ndichirara ndakasvunura. Kwamakore makumi maviri aya, ndakagara mumusha menyu. Ndakakushandirai kwamakore gumi namana ndichiitira vana venyu vaviri ava ugariri. Kwamakore matanhatu ndakachengeta zvipfuwo zvenyu kuti ndiwanewo ufudzi, asi mairamba muchisandura mubayiro wangu kagumi kagumi. Dai Mwari wababa wangu, Mwari waAbhurahamu, Mwari anonamatwa naIsaki akanga asineni, chokwadi chokwadi mungadai makandirega ndichienda zvangu ndisina nechii chose. Mwari akaona kutambura kwangu nokushanda kwandakaita, saka akuyambirai usiku hwanhasi.” Rabhani akapindura Jakobho achiti, “Vabvana ava vana vangu ini, vana ava vazukuru vangu, zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu. Zvose zvazvo zvauri kuona ndezvangu. Ko zvino chii chandingaonekwe ndoita nhasi uno kuvabvana vangu kana kuvana vavo vokubereka. Iwe neni ngatichiitai chitenderano, tigoitawo chinhu chichagara chichitiyeuchidza zvatatenderana.” Jakobho akatora ibwe akarimisa kuti rive ibwe rechiyeuchidzo. Iye Jakobho akaudzawo vanhu vake kuti, “Unganidzai mabwe.” Vakaunganidza mabwe akaita murwi. Vakadyira pamurwi ipapo. Rabhani akautumidza zita rokuti Jegarisahudhuta. Asi Jakobho akautumidza zita rokuti Gareedhi. Rabhani akati, “Nhasi uno murwi uyu wava chiyeuchidzo pakati pedu.” Saka vakatumidza murwi iwoyo zita rokuti Gareedhi. Rimwe zita rawo rakanzi Mizipa nokuti Rabhani akati, “Zvako iwe neni ngatichizvisiya mumaoko aTenzi, patinenge takati uyu kwake uyu kwake Mwari ndiye anenge achiona. “Kana ukazoshusha vabvana vangu kana kuroora vamwe vakadzi, kunyange vamwe vose vakasazviona, Mwari ndiye chapupu chedu.” Rabhani akatizve, “Tarisa chitata chemurwi wamatombo ichi, neibwe iri randamisa pakati pangu newe. Murwi wamatombo uyu neibwe iri ndiyo micherechedzo ichatipupurira kuti ini handizoidarika ndichiuya kuzokurwisa, newewo hauzodarikawo murwi wamatombo iwoyu neibwe irori uchiuya kuzondirwisa. Mwari waAbhurahamu naMwari waNahori naMwari wababa wavo ngavave ivo vatongi pakati pangu newe.” Jakobho ndokupika naMwari anonamatwa nababa vake Isaki. Jakobho akapira chibayiro kuna Mwari mugomo muya, akadaidza hama dzake kuzodya mabiko. Vakadya vakapedza usiku hwose vari mugomo imomo. Rabhani akafumomuka ndokutsvoda vazukuru vake navabvana vake vachionekana navo, akavakomborera ndokusimuka odzokera kumusha kwake.

Verenga chikamu Mavambo 31