Ipapo Jakobho akasimuka, akatasvisa vana vake navakadzi vake pamakamera; akatora zvipfuwo zvake zvose, nepfuma yake yose, yaakanga aunganidza, zvipfuwo zvaakanga apfuwa, zvaakanga aunganidza paPadhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake, kunyika yeKenani. Zvino Rabhani akanga aenda kundoveura makushe amakwai ake; Rakeri akaba chifananidzo chainamatwa chababa vake. Jakobho akanyengedzera Rabhani, muAramu, nokuti haana kumuudza kuti ndotiza. Naizvozvo akatiza nezvose zvaakanga anazvo; akasimuka, akayambuka Rwizi, akaringira kugomo reGiriadhi.
Zvino nomusi wetatu Rabhani akaudzwa kuti Jakobho watiza. Iye akaenda nehama dzake, akamuteverera rwendo rwamazuva manomwe; akandomubata kugomo reGiriadhi. Mwari akauya kuna Rabhani, muAramu, pakurota usiku, akati kwaari, “Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho chinhu, kana chakanaka kana chakaipa.” Rabhani akasvika kuna Jakobho. Zvino Jakobho akanga adzika tende rake mugomo; Rabhani nehama dzake vakadzika matende avowo mugomo reGiriadhi.
Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Waita seiko iwe, nokuti wandinyengedzera, ukaenda navakunda vangu vakaita savakatapwa nomunondo? Watizireiko pakavanda, ukandinyengedzera; wakaregerei kundiudza, ndikakutendera kuti uende nomufaro, nenziyo, nengoma, norudimbwa? Hauna kunditendera kuti nditsvode vanakomana vangu navakunda vangu. Zvino waita sebenzi. Ndine simba paruoko rwangu rokuitira zvakaipa; asi Mwari wababa vako akataura neni usiku hwazuro, akati, ‘Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho kana chakanaka kana chakaipa.’ Zvino, kana wakada kuenda hako, zvawakanga uchishuva zvikuru imba yababa vako, wagobireiko vamwari vangu?”
Jakobho akapindura, akati kuna Rabhani, “Nokuti ndakanga ndichitya, nokuti ndakati, ‘Zvimwe munganditorera vakunda venyu nesimba.’ Iye wamungawana ana vamwari venyu, ngaarege kurarama. Zvino hama dzedu dzichiriko, natsai kutsvaka zvinhu zvenyu zviri kwandiri, mugozvitora;” nokuti Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga azviba.
Zvino Rabhani akapinda mutende raJakobho, nomutende raRea, nomutende ravarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Ipapo akabuda patende raRea, akapinda patende raRakeri. Zvino Rakeri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabata-bata pose mutende, asi haana kuzviwana. Iye akati kuna baba vake, “Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri.” Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari.
Zvino Jakobho akatsamwa, akapopotera Rabhani; Jakobho akapindura akati kuna Rabhani, “Kudarika kwangu ndokweiko? Ko kutadza kwangu ndokwei, zvamanditevera neshungu dzakadai? Zvino zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose, magowaneiko panhumbi dzose zvokumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nedzenyu, vatonge pakati pedu isu vaviri. Ndakagara nemi makore aya makumi maviri; matunzvi enyu amakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, makondohwe enyu amakwai handina kuadya. Zvakarumwa nezvikara handina kuuya nazvo kwamuri; asi ndakazviripa ini; makazvireva pamaoko angu, kana zvakabiwa masikati, kana zvakabiwa usiku. Masikati ndakafa nezuva, usiku nechando; hope dzangu dzikabva kumeso angu. Makore aya makumi maviri ndakagara mumba menyu; ndakakubatirai makore ane gumi namana pamusoro pavakunda venyu vaviri, namakore matanhatu pamusoro pezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi. Dai Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, iye wakatyiwa naIsaka, asaiva neni, zvirokwazvo mungadai maindiendesa ndisina chinhu. Mwari akaona kutambudzika kwangu namabasa amaoko angu, akakurairai usiku hwazuro.” Rabhani akapindura, akati kuna Jakobho, “Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara? Uya zvino ngatiite sungano, ini newe; chive chapupu pakati pangu newe.”
Jakobho akatora ibwe, akarimisa, rikava shongwe. Jakobho akati kuhama dzake, “Unganidzai mabwe;” ivo vakatora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamurwi. Rabhani akautumidza Jegarisahadhuta; asi Jakobho akautumidza Garidhi. Rabhani akati, “Murwi uyu ngachive chapupu pakati pangu newe zuva ranhasi.” Naizvozvo akatumidzwa zita rinonzi Garidhi, uyewo Mizipa, nokuti akati, “Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani. Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana kuwana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe.” Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Tarira murwi uyu, tarira shongwe iyi, yandakamisa pakati pangu newe. Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, uchienda kwandiri, kuti tiitirane zvakaipa. Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake. Ipapo Jakobho akabayira chibayiro mugomo; akakoka hama dzake kuti vadye zvokudya; vakadya zvokudya, vakavata usiku mugomo. Rabhani akamuka mangwanani, akatsvoda vanakomana vake navakunda vake, akavaropafadza; Rabhani akabva, akadzokera kumusha kwake.