Jakobho akapepuka muhope akati, “Zvechokwadi Tenzi ari panzvimbo ino asi ini ndanga ndisingazvizivi.” Akabva atya ndokuti, “Inga nzvimbo ino inoera! Imba yaMwari chete, iwoyu ndomusuo wedenga.” Jakobho akafumomuka, akatora ibwe raakanga akatsamira ndokurimisa kuti rive ibwe rechiyeuchidzo, ndokubva adira mafuta pamusoro paro. Akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Bhetieri, asi kare guta iroro raimbonzi Ruzi. Jakobho ndokupika nemhiko achiti, “Kana Mwari akava neni akandichengeta parwendo rwangu rwandiri kuenda achindipa chokudya nechokupfeka, ndichizodzokerazve kumusha kwababa vangu zvakanaka, Tenzi achava Mwari wangu. Paibwe iri randamisa pano kuti rive ibwe rechiyeuchidzo pachava imba yaMwari. Pazvinhu zvose zvamuchandipa ndichabvisa chegumi chazvo ndichikupai.”
Verenga chikamu Mavambo 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 28:16-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo