Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 24:52-67

Mavambo 24:52-67 SCLBD

Muranda waAbhurahamu paakanzwa zvavakataura akapfugama pasi akanamata Tenzi. Muranda uyu akabva abudisa zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu dzokupa Ribheka. Akaburitsawo zvipo zvinokosha ndokupa amai vaRibheka nehanzvadzi yake Rabhani. Muranda uyu navarume vaakanga anavo vakadya, vakanwa, ndokurarapo usiku ihwohwo. Kuzoti vamuka mangwanani akati, “Chiregai ndichidzokera zvangu kuna vatenzi vangu.” Hanzvadzi yake naamai vake vakati, “Regai timboti garei nomusikana uyu nguva yakati kuti kana mazuva angaite gumi zvawo agoti oenda zvake.” Asi iye akati, “Dai machirega zvenyu kundinonotsa, onai Tenzi andipa zvandafambira. Chiregai zvenyu ndidzokere kuna vatenzi vangu.” Ivo vakati, “Regai tidaidze mhandara yacho tinzwe.” Vakadaidza Ribheka vakati kwaari, “Unoda kuenda nomurume uyu here?” Iye akati, “Hongu ndinoda.” Vakabvumidza Ribheka mwana wavo kuenda. Akaenda nomuranda wechikadzi nyakumurera. Vakaenda nomuranda waAbhurahamu pamwechete navanhu vake. Vakakomborera Ribheka vachiti, “Dai iwe mwana wedu ukava amai vamazana akazanirana avanhu! Zvizvarwa zvako ngazvikurire maguta avavengi vazvo.” Ribheka navasikana vake vaimushandira vakagadzirira zvokusumuka, vakatasva ngamera dzavo, vakaenda nomurume uye vachimutevera. Muranda uyu ndiko kutora kwaakaita Ribheka akabva aenda zvake. Ipapo Isaki akanga achangotama kuBheerirahairoi, ava kugara kuNegevhu. Ava manheru, Isaki akaenda musango achimbondoti avarairwe zvake achifunga. Akasumudza musoro akaona ngamera dzichiuya. Ribheka akati tarisei, paakaonawo Isaki akabva akurumidza kuburuka pangamera yake, ndokubvunza muranda uyu achiti, “Ko murume uyo ari kuuya nomusango umo kuzochingurana nesu ndiani?” Muranda akati, “Ndivatenzi vangu.” Ribheka akatora dhuku rake akazvifukidza kumeso. Muranda uyu akaudza Isaki zvose zvaakanga aita. Isaki akaunza Ribheka mutendhe rakanga riri raSara amai vake. Akatora Ribheka akava mukadzi wake. Isaki akamuda. Saka ndiko kunyaradzwa kwaakaitwa mushure mokufa kwaamai vake Sara.

Verenga chikamu Mavambo 24