Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 18:1-8

Mavambo 18:1-8 SCLBD

Tenzi akazviratidza kuna Abhurahamu ari pamiti yemioku yokwaMamure agere pamusuo wetendhe rake masikati zuva richipisa. Akatarisa akaona varume vatatu vamire pakadaro apo. Paakavaona akabva pamusuo wetendhe akamhanyira kundosangana navo, akavagwadamira pasi. Akati, “Changamire wangu, kana zvichikufadzai musanyenyeredze zvenyu musha womuranda wenyu. Regai ndikupei tumvura, mushambe tsoka dzenyu mumbozorora zvenyu munyasi memuti, ini ndichikutorerai chingwa kuti mudye mudzore mwoyo mozoti mosimudzira zvenyu rwendo rwenyu nokuti ndokusaka wani mauya nokuno kune muranda wenyu.” Ivo vakati, “Ita zvako sezvawataura.” Abhurahamu akamhanyira kuna Sara mutendhe akati, “Kurumidza kutora zviero mwero mitatu yakaenzana youpfu hwekoroni hwakatsetseka hunokwana bhagidhi uhukanye ubike chingwa.” Abhurahamu akamhanyira kumombe, ndokusarudza chimhuru chine nyama yakanaka yakapfava akaipa muranda wake kuti avagadzirire. Akatora mukaka wakakora nomumbishi nenyama yechimhuru chiya chaakanga agadzirira akavaperekera, ndokumira panyasi pavo pasi pomuti, ivo vachidya zvavo.

Verenga chikamu Mavambo 18