Ezekieri 23
23
Vatevedzani vaiva nzenza dzavasikana
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, paivapo vakadzi vaviri vaiva vana vamai vamwechete. 3Vakaita unzenza muIjipiti. Vakaita ufeve hwacho vachiri vechiduku vachidzvanywa mazamu avo minyatso yavo youmhandara ichibatwa-batwa. 4Mukuru wacho ainzi Ohora#23:4 Nyadumba: Ndizvo zvinoreva zita rechiHebheru rokuti Ohora. munun'una wake achinziwo Ohoribha.#23:4 Mudumba: Ndizvo zvinoreva zita rechiHebheru rokuti Ohoribha. Vakava vangu vakabereka vana vakomana navasikana. Pamazita avo apa Nyadumba iSamaria, Mudumba iJerusaremu.
5“Ohora akaita upfambi iye ari wangu. Mwoyo wake waidokwairira zvikomba zvake vaAsiria ivo 6varwi vakapfeka hanzu dzoruvara rwohute, masadunhu navatungamiriri vakuru vehondo vose, zvavo vari majaya anoyemurika, varwi vamabhiza vanotasva mabhiza. 7Akaita ufeve hwake navo ivo varume vakanakisisa veAsiria vose zvavo vachizvin'oresa nezvifananidzo zvokunamata zvomumwe nomumwe wose waaidokwairira. 8Haana kumbosiyana noufeve hwaaiita mazuva aaiva muIjipiti nokuti paakanga achiri wechiduku varume vairara naye vachibata-bata nyatso dzake dzoumhandara vachipedzera shungu dzoruchiva rwavo paari. 9Naizvozvo ndakamuisa mumaoko mezvikomba zvake izvozvo, mumaoko mavaAsiria vaaidokwairira vacho. 10Ivava vakamupfekenura kumusiya ava mutwi. Vakabata vanakomana vake navanasikana vake. Iye vakamuuraya nebakatwa akabva ava tsumo zvayo pakati pavakadzi paakanga zvino atemerwa chirango chake.
11“Munun'una wake uya, Mudumba izvozvi zvaiva mumaziso make asi akava mukadzi ane tsika dzakatonyanyisisa kuora kumudarika iye mukudokwaira mwoyo woufeve hwake hwakanga hwakatoipisisa kupfuura hwomukoma wake. 12Mukadzi uyu akadokwairira vaAsiria, masadunhu acho navatungamiriri vakuru vehondo ivo varwi vakanga vakapfeka zvinhu zvokuhondo chaizvo zvakakwana vari varwi vemabhiza vachitasva mabhiza, vose vari majaya anoyemurika. 13Ipapo ndakaona kuti akanga aton'oreswa uye vose vari vaviri vakanga vatora nzira imwecheteyo.
14“Asi iye akatopindiridza kwazvo ufeve hwake. Akaona varume vakanzi chechetere pamadziro, mifananidzo yavanhu vechiKaridhea yakanzi kumadziro chechetere neingi tsvuku 15vakasunga mindya muchiuno vaine ngundu mumusoro dzinoti rembe rembe. Vose vaitarisika savakuru vakuru uri mufananidzo zvawo wevaBhabhironi vagari venyika yeKaridhea. 16Paakavaona akavadokwairira mwoyo akatumira nhume kwavari kuKaridhea. 17VaBhabhironi vakauya kwaari vakaenda naye pamubhedha wezverudo vakamun'oresa nehavi dzavo. Mushure mokunge an'oreswa navo kudaro, akavaramba asviba mwoyo. 18Paakanga oita ufeve hwake pasina zvokuvanza wongoita ufambi zviri pachena achizviyanika muviri wake, ndakasviba mwoyo ndikamuramba sezvandakaita mukoma wake. 19Asi ufeve hwake ndipo paakatohunyanya oyeuka zvino mazuva oumhandara hwake paaiita ufeve nenyika yeIjipiti 20kwaaidokwairira mhombwe dzake ikoko dzine mhuka dzinenge dzamadhongi dzinowadzura mbeu samabhiza makono. 21Ndokusuwira kwawaiita kushaya hunhu pahudiki hwako zviya zvokuIjipiti kwawaibatwa-batwa minyatso yako uchidzvanywa mazamu ako akanga achiri echidiki.”
Chirango chaMwari chakatemerwa Ohoribha
22Naizvozvo iwe Ohoribha zvanzi naTenzi Mwari, “Chinzwa ndichaita kuti upandukirwe navadiwa vako ivavo vawakaramba wasviba mwoyo. Zvino ndichavaunza vagokukomberana kumativi ese, 23ivo vaBhabhironi navanhu vose vechiKaridhea vokuPekodhi nokuShoa nokuKoa uye nevaAsiria vose vavanavo, majaya acho anoyemurika, masadunhu navatungamiriri vakuru vehondo, vose vakuru vakuru, varwi#23:23 Varwi: MuchiHebheru pakanzi vakadaidzwa. vose zvavo vakatasva mabhiza.
24“Vachakuvinga vachibva kuchamhembe vaine ngoro dzehondo nezvikochikari negurusvusvu ravanhu vamarudzi. Vacharongana kuzokurwisa kumativi ose vaine nhoo huru neduku nenguwani dzesimbi. Ndivo vandichati vakugadze dare; vachakutonga iwe maererano nematongerowo avo. 25Iwewe ndiwe wandichanangana naye ndakashatirwa ivowo vagokuitira zvehasha. Vachacheka mhuno dzako nenzeve dzako, vanenge vasara vokwako vachifa nebakatwa. Vachabata vanakomana navanasikana vako. Vanenge vasara vokwako vachavaroromesa nomoto. 26Vachakupfekenurawo hanzu dzako vachikutorerawo zvishongo zvako zvakanakisisa. 27Saizvozvo ndichapedza kushaya kwako hunhu uye ufeve hwako hwakabva kunyika yeIjipiti zvokuti hauzombotarisa kana kuyeukazve vaIjipiti, 28nokuti zvanzi naTenzi Mwari chinzwa, ndava kukuisa mumaoko mavavo vaunovenga mumaoko maavo vawakaramba wasviba mwoyo. 29Ivo zvavachaita kwauri vachakuitira noruvengo, vachakutorera zvose zvawakawana nokushanda kwako vagokusiya wangodaro wakashama mutwi uye ufeve hwako huchasiyiwa hwava pachena. Pamusana pokushaya hunhu hwako noufeve hwako 30unenge wawirwa nezvinhu izvozvi nokuti wakaita ufeve namarudzi avanhu ukazvin'oresa nezvifananidzo zvavo zvokunamata. 31Wakatevedza nzira yomukoma wako, nezvo ndichaisa mukombe wake wehasha dzangu mumaoko mako.”
32Zvanzi naTenzi Mwari,
“Unofanira kuti utonwa
mukombe womukoma wako, zigombe guru chairo.
Uchasekwa nokudadirwa nokuti rine zvakawanda.
33“Uchanyatsoraradza zvako ugonyatsosuruvara.
Mukombe unodumbirisa wokuparadza
ndiwo mukombe womukoma wako Samaria.
34Uchaunwa zvokuukwengura
ugotobanda zvimedu zvawo wobvanzura mazamu ako
nokuti ndini ndazvireva.”
Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
35Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti wakandikanganwa ukandikanda kuseri kwako. Hezvoka worumwa nechokuchera nokushaya kwakoka hunhu nounzenza hwako.
36“Tenzi akanditi iwe mwanakomana womunhu chitonga Ohora naOhoribha. Vazivise zviito zvavo zvinosemesa 37nokuti vakaita ufeve uye vane ropa mumaoko. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo zvokunamata vachitopira kwazviri sechokudya vana vaya vavakandiberekera. 38Uyezve vakaita izvi kwandiri, vakan'oresa Nzvimbo yangu Inoera panguva imwechetewo vachin'oresa maSabata angu 39nokuti pavakauraya vana vavo vachivaita chibayiro kuzvifananidzo zvavo zvokunamata pazuva rimwechetero vakauya kuNzvimbo yangu Inoera kuzoin'oresa. Hezvo, zvavakaita mumba mangu.
40“Vakatotumira shoko rokukoka varume vanobva kure vakatumirwa nhume ndokubvawo vauya. Wakazvishambidza ukapenda maziso ako ukazvishongedza nezvishongo uchiitira ivo. 41Wakati tendhe kugara pachigaro chaiva neteburu yakagadzikirwa zvokudya mberi kwacho pawakanga iwe waisa rusenzi rwangu namafuta angu eorivhi. 42Izvozvo paiva nemheremhere yemhomho yavanhu vaiva naye uye nezvidhakwa zvamadzenga zvawo avarume vokurenje. Vakaisa tsambo mumaoko avakadzi nendaza dzakanakisa pamisoro yavo. 43Ndakazoti ko zvino ivo varume havaite upombwe#23:43 Upombwe: Izwi rechiHebheru racho riri ipapa harinyatsonzwisisika. here kana vachiita ufeve naye? 44Vakatadza naye sezvinoita varume vanotadza nepfambi. Ndiko kutadza kwavakaita naOhora naOhoribha vachiita zvisina hunhu.#23:44 Zvisina hunhu: ChiHebheru chinoti mukadzi asina hunhu. 45Vanhu vakarurama vachavatongera mhosva youpfambi uye nemhosva yavakadzi vanodeura ropa nokuti zvifeve uye vane ropa mumaoko mavo.”
46Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Vaunzire hondo kuzovarwisa uite kuti vave chinhu chinotyisa nechinhu chokupamba. 47Hondo iyoyo inofanira kuvataka namabwe ivapfuudze namapakatwa ayo vachauraya vanakomana navanasikana vavo uye ichiroromesa dzimba dzavo. 48Ndomapedzero andichaita kushaya hunhu munyika iyoyi kuitira kuti vakadzi vose vawane yambiro varege kuzoshaya hunhu sezvakaita imi. 49Kushaya kwenyu hunhu kuchakupfukirai mugopiwa shamhu yechirango chechitadzo chenyu chokunamata zvifananidzo. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi Mwari.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 23: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.