Ezekieri 20
20
Kusatendeka kwavaIsiraeri
1Mugore rechinomwe mumwedzi wechishanu pamusi wechigumi wemwedzi iwoyo, vamwe vakuru vakuru veIsiraeri vakauya kuzoda kunzwa kuti Tenzi anoti kudii. Vakasvikogara mberi kwangu. 2Ipapo izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, 3“Iwe mwanakomana womunhu taurira vakuru vakuru veIsiraeri ava uvaudze kuti, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chamavinga pano apa kuda here kuzonzwa kuti ndinoti kudii?’ Zvino hezvinoi ndakadai, ndizvo zviri kureva Tenzi, zvokuti imi muuye kuzonzwa kuti ini ndinoti kudii handizvidi. 4Iwe mwanakomana womunhu wotovatongaka! Vatonge vazivise unyangadzi hwakan'ora hwamadzibaba avo uchivaudza kuti, 5Zvanzi naTenzi Mwari, pazuva randakasarudza Isiraeri, ndakatsidza nemhiko kumbeu yemba yaJakobho ndichizvizivisa kwavari munyika yeIjipiti. Ndakatsidza nemhiko kwavari ndichiti ndini Tenzi, Mwari wenyu. 6Pazuva iroro ndakatsidza kwavari nemhiko kuti ndichavaburitsa munyika yeIjipiti ndichivaendesa kunyika yandakavatsvakira, nyika youchi nomukaka, nyika yakakurumbira kwazvo kupinda nyika dzose zvadzo. 7Izvozvo ndakavati kandai pasi zvinhu zvounyangadzi hwakan'ora zvamunofarira kuona nameso enyu ani naani zvake wenyu murege kuzvin'oresa nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti, ini ndini Tenzi, Mwari wenyu. 8Asi vakandipandukira vakarega kunditeerera. Mumwe nomumwe wavo haana kukanda pasi zvinhu zvinosemesa zvavaifarira kuona nameso avo kana kusiyana nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti. Ipapo ndakafunga zvokuvavirukira nehasha, ndipedzere hasha dzangu pavari mukati menyika yeIjipiti. 9Asi ndakaitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi mavakanga vagere nokuti ndakanga ndazvionesa kwavari ndichivazivisa kuti ndichazoburitsa vaIsiraeri munyika yeIjipiti. 10Ipapo ndakavaburitsa munyika yeIjipiti ndikavaunza murenje. 11Ndakavapa mirao yangu ndikavarayiridza mitemo yangu yokuti munhu anenge aichengeta ararame nayo. 12Ndakavapawo mazuva angu eSabata sechiratidzo pakati pangu navo kuti vazive kuti ini Tenzi, ndini ndinovaita kuti vave vatsvene. 13Asi imba yaIsiraeri yakandipandukira murenje. Havana kutevedza mirao yangu asi vakaramba mitemo yangu yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Masabata angu vakan'oresa zvikuru. Ndipo pandakafunga zvokuti ndipedzere hasha dzangu pavari murenjemo kuti ndibva ndanyatsovatsakatisa. 14Asi ndakaitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi vakanga vaona nameso avo ndichivaburitsa. 15Uyewo ndakapika kwavari murenje nemhiko kuti handisi kuvasvitsa kunyika yandakanga ndavapa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi nyika yakakurumbira kwazvo kupinda nyika dzose 16nokuti vakaramba zvirongwa zvangu vakarega kutevedza zvirevo zvangu vakan'oresa masabata angu nokuti vakanga vatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata.
17“Zvakadaro zvazvo ndakavaitira tsiye nyoro ndikarega kuvaparadza kana kubva ndanyatsovatsakatisa murenjemo. 18Ndakatiwo kuvana vavo murenje, musatevedze mirao yamadzibaba enyu kana kuteerera mitemo yavo kunyange kuzvin'oresa nezvifananidzo zvavo zvokunamata. 19Ini Tenzi, ndini Mwari wenyu, tevedzai mirao yangu muchenjerere kuteerera mitemo yangu 20muerese masabata angu kuitira kuti uve somucherechedzo pakati pangu nemi mugoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.
21“Asi vana vavo vakandipandukira vakarega kutevedza mirao yangu uye havana kuitira mitemo yangu hanya yokuichengeta yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Vakan'oresa masabata angu. Ndipo pandakafunga kuti ndivavirukire nehasha ndipedzere hasha dzangu pavari murenje imomo. 22Asi ndakadzora ruoko rwangu, ndichiitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi. 23Uyezve ndakavapikira murenje kuti ndichavaparadzira mukati memarudzi ndichivaendesa kudzinyika 24nokuti havana kuchengeta mitemo yangu asi kuti vakaramba mirao yangu vakan'oresa masabata angu izvozvo meso avo akanga angova pazvifananidzo zvokunamata zvamadzibaba avo. 25Uyewo ndakavapa mirao yakanga isina kunaka nemitemo yaiita kuti vatadze kuwana upenyu. 26Ndakavan'oresawo nezvipo zvavo izvozvo ndichiita kuti vapire nomoto somupiro matangwe avo ose echikomana kuitira kuti vadumbirwe nazvo. Ndakazviita kuti vazive kuti ini ndini Tenzi.
27“Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu taurira imba yaIsiraeri uchivaudza kuti, zvanzi naTenzi Mwari hechinoi chimwezve chakaitwa namadzibaba enyu chokundishonha nokusatendeka kwandiri. 28Ndinodaro nokuti pandakavaunza munyika yandakatsidza kuzovapa vaiti vakangoona chikomo chirefu kana muti wakasvibira, ipapo vaibva vatopira zvibayiro zvavo vachipa mipiro yavo inotsamwisa vachipwitititsirapo zvavo zvinonhuwirira uye vachiteurira ipapo mipiro yavo yokuteura. 29(Ndakavati ndiko kui kunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira kwamunoenda? Sakawo zita rapo rakanzi ‘Pakatunhumara.’#20:29 Pakatunhumara: MuchiHebheru nzvimbo yacho inonzi “Bamah.” Kusvikira pari nhasi.) 30Nezvo chiti kumba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari munodirei kuzvin'oresa sezvakaita madzibaba enyu muchiteterekera mutome kutevera unyangadzi hwavo hwakan'ora? 31Pamunopira zvipo zvenyu nokubayira vanakomana venyu sechibayiro pamoto muchizvin'oresa nezvifananidzo zvenyu zvose zvokunamata kusvikira pari nhasi. Pakadai ndipo here pamungazoda kundinzwa kuti ini ndinoti kudii, nhai imba yaIsiraeri? Hezvino ndakadai ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari, handidi zvangu kuti imi muzobvunza kuti munzwe kuti ini ndinoti kudii!
32“Zviri mumwoyo menyu izvozvo hazvisi kuzofa zvakaitika zvokufunga kuti tinoda kuve sevechirudzi kuti muite samarudzi ari mudzinyika uye kuti munamate zvimiti namatombo.
33“Zvanzi naTenzi Mwari, ‘Hezvino ndakadai, ndikarega ini kukutongai muri mumaoko mangu shamhu yangu iri mudenga uye ndikaviruka nehasha, handisirini. 34Ndichakubvisai mukati memarudzi iwayo ndigokukokorodzai munyika dzamunenge mapararira. Ndichazviita izvozvo namaoko angu aya shamhu yangu iri mudenga ndakaviruka nehasha. 35Ipapo ndichakuunzai murenje revechirudzi ndigokupinzai dare takatarisana uso nouso. 36Ndichakutongesai sokutongesa kwandakaita madzibaba enyu murenje renyika yeIjipiti,’ ndichakukwidzai dare ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
37“Ndichakuitai kuti mupfuure napasi petsvimbo yangu ndichikuunzai muchisungo chechitenderano changu. 38Ndichabvisa vapanduki pakati penyu navavo vanenge vandikanganisira. Ndichavaburitsa munyika mavari kumbogara asi havasi kuzopinda munyika yeIsiraeri. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.
39“Asi kana zviri zvenyu, imimi vemba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari endaika zvenyu mumwe nomumwe kundonamata zvifananidzo zvake zvokunamata asi mushure maizvozvo kunyange zvazvo mukarega kunditeerera asi zita rangu rinoera hamusi kuzorin'oresazve nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu zvokunamata. 40Zviripo ndezvokuti pagomo rangu rinoera gomo refu reIsiraeri, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, ipapo imba yose yavaIsiraeri vose zvavo vachandinamata munyika imomo. Ipapo ndichavagamuchira, ipapowo ndichati muite mudememudeme muchibvisa zvipo zvenyu zvakanakisisa nemipiro yenyu yose inoera. 41Ndichakugamuchirai somupiro unonhuwirira pandichakubvisai mumarudzi ndichikukokorodzai kudzinyika kwamakapararira. Ndicharatidza kuera kwangu pakati penyu marudzi achiona. 42Muchabva maziva kuti ndini Tenzi pandichakuunzai munyika yeIsiraeri, nyika yandakatsidzira kuzopa madzibaba enyu. 43Imomo muchayeuka kuita kwenyu nezviito zvose zvamakazvin'oresa nazvo, muchatozvisema nezvakaipa zvose zvamakaita. 44Uye muchaziva kuti ndini Tenzi kana ndava kuzoita nemi zvandinoita ndichiremekedza zita rangu, kwete zvinokodzerana nenzira dzenyu dzakaipa kana zviito zvenyu zvakaora, iyemi vemba yaIsiraeri,” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
45Shoko raTenzi rakauyawo kwandiri rikati,#20:45 Shoko: MuchiHebheru ndipo panotangira chitsauko 21:1. 46“Iwe Mwanakomana womunhu wochinangana nemaodzanyemba uparidze wakanangana namaodzanyemba uporofite wakanangana namaruwa amasango okuNegevhu. 47Iti kusango rokuNegevhu, inzwai izwi raTenzi. Zvanzi naTenzi Mwari, chinzwa, ndichabatidza moto mauri ucharoromesa muti wose wakasvibira uri mauri nomuti wose wakaoma usingazodzimiki; rimi rinonganduka risingadzimuriki. Uchavavaidza uso hwose kubvira kumaodzanyemba dakara kuchamhembe. 48Vose vose vachaona kuti Tenzi ndiye akabatidza moto iwoyo usingadzimuriki.” 49Ini ndipo pandakati, “Aa-a nhai Tenzi Mwari inga vari kutaura nezvangu vachiti haasi munhu wokungotaura namadimikira here?”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 20: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.