Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 14:13-16

Kubuda 14:13-16 SCLBD

Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve. Tenzi ndiye achakurwirai, chenyu imi chete kubata hana.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Uri kuchemereiko kwandiri? Udza vaIsiraeri kuti varambe vachifamba. Iwe usimudzire tsvimbo yako pamusoro pegungwa, ukamuranise mvura napakati vaIsiraeri vayambuke gungwa napakaoma.

Verenga chikamu Kubuda 14