Vaefeso Zviri mutsamba yokuvaEfeso
Zviri mutsamba yokuvaEfeso
Tsamba kuvaEfeso inoti Pauro akainyorera vakristu vokuguta reEfeso. Chinangwa chetsamba yakanyorerwa vaEfeso chokutanga ndecheurongwa hwaMwari hwokuti anoda kuisa zvinhu zvose pasi paKristu Jesu, zvingave zviri kudenga kana zviri pasi pano (1:10). Chechipiri ndechokukurudzira vakristu kugara upenyu hunowirirana nechikomborero chakadai kukura chokudaidzwa kuva pasi paKristu muumambo hwake (4:1). Tsamba iyi inodoma zvikomborero zvisere zvatakapiwa zvinoti: kutorwa savana nokununurwa kwatakaitwa kwouya nhaka yatinowana kwouya simba kwoti upenyu nenyasha kwozoti kuva vagari vomuumambo hwaKristu uye rudo rwaKristu. Tsamba iyi inotaura zvikuru nezvesangano. Pamwe rinombotariswa somuviri, Kristu ari iye musoro wawo, pamwe rotariswa semba, Kristu ari iye dombo rapakona, kana kuti rinombotariswa savanhu vakawanana, Kristu ari iye murume nomusoro wemba, sangano riri mudzimai wacho. Tsamba iyi inonyatsoratidza kukura kwezvinogona kuitwa kana vanhu vakabatana naKristu musangano. Pokupedzisa inoyambira vanhu nezvohondo iripo pakati pedu naSatani.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokuVaefeso
Kusuma (1:1–2)
I: Zvakavandika zvoruponeso nezvamamiriro akaita sangano (1:3—3:21)
Zvirongwa zvaMwari zvoruponeso (1:3–14)
Ukuru ukuru hwaKristu (1:15–23)
Ruponeso chipo chaKristu chisina muripo (2:1–10)
Kubatana kwedu isu uye naKristu (2:11–22)
Basa raPauro kune vechirudzi (3:1–13)
Munamato waPauro (3:14–21)
II: Mashoko okukurudzira (4:1—6:20)
Kuva somuviri mumwechete naKristu (4:1–16)
Upenyu hwedu hutsva naKristu (4:17—5:20)
Magariro akanaka ababa naamai mumba (5:21–33)
Vana navabereki (6:1–4)
Varanda vana tenzi vavo (6:5–9)
Hondo yezvomweya (6:10–20)
Mazwi okuonekana (6:21–24)
Zvasarudzwa nguva ino
Vaefeso Zviri mutsamba yokuvaEfeso: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.