Kunyange zvangu ndiri mudukuduku wokupedzisirira kuna vatsvene vose, nyasha idzi dzakapiwa kwandiri kuri kuti ndiparidze vechirudzi upfumi husingatauriki hwaKristu uye kuti ndionese vanhu vose urongwa hwezvakavandika zvakanga zvakavanzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa naMwari akasika zvinhu zvose kuitirawo kuti nomusangano, ungwaru hwaMwari hwakasiyana–siyana huratidzwe zvino kune mweya mikurukuru neino ushe yomumatenga. Izvi zvaifambirana nezvirongwa zvavo zvokugara nokugara zvakazozadzikiswa muna Kristu Jesu Tenzi wedu, anotipa kuti tive nechivindi nechivimbo chokusvika pana Mwari nokuda kwechitendero chedu maari. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti musarase mwoyo pamusana pezvandiri kutambudzikira imi. Inga ndizvo zvinokupai kuti murumbidzwe wani. Nokuda kwaizvozvi ndinopfugama namabvi angu mberi kwaBaba kunobva chose chinotumidzwa kuti mhuri, chingave kudenga kana kuti pasi pano. Ndinonamata kuti kubva muupfumi hwavo hune mbiri akusimbaradzei nesimba nokuna Mweya, umunhu hwenyu hwomukati uye kuti nechitendero chenyu Kristu aite musha wake mumwoyo yenyu kuti imi mudzike midzi yenyu uye kucherera hwaro hwenyu murudo, kuti muwane simba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose upamhi nourefu nokukwira kumusoro mudenga noudzamu uye kuti muzive rudo rwaKristu runopfuura ruzivo kuti muzadzwe naMwari wose sezvaari. Zvino iye ane simba rinoshanda matiri anokwanisa kuita zvakawandisisa kupfuura zvose zvatingakumbire kana zvatingafunge iye ngaarumbidzwe musangano uye muna Kristu Jesu kuzvizvarwa nezvizvarwa narini narini wose Ameni.
Verenga chikamu Vaefeso 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vaefeso 3:8-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo