Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 5

5
Mitemo gumi yaTenzi
(Kub 20:1–7)
1Mosesi akaunganidza vaIsiraeri vose akati kwavari, “Teererai munzwe imi vaIsiraeri mitemo nemirao yandava kutaura nhasi muchinzwa. Idzidzei munyatsoichengeta. 2Tenzi Mwari wedu akaita chitenderano nesu pagomo reHorebhu. 3Tenzi haana kuita chitenderano ichi namadzibaba edu chete, asi nesu tose iyesu vapenyu kudai ipo pano nhasi. 4Tenzi akataura nemi makatarisana naye uso nouso pagomo riya, iye ari mukati memoto. 5Panguva iyoyo ini ndaiva munyai pakati penyu naTenzi, ndichikuzivisai shoko raTenzi nokuti imi maitya. Maitya nokuda kwemoto, saka musina kukwira mugomo.
“Tenzi akati, 6‘Ndini Tenzi Mwari wenyu. Ndakakubudisai munyika yeIjipiti kwamaiva muuranda.’
7“Usave navamwe vamwari kunze kwangu. 8Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata chokuveza, kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika. 9Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo, ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina. 10Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena zviuru nezviuru zvavanhu vanondida vanochengeta mitemo yangu.
11“Usataure zita raTenzi Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo.
12“Chengeta zuva reSabata urierese sokuudzwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. 13Kwamazuva matanhatu, shanda zvako uite basa rako rose. 14Asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi Mwari wako. Pazuva iroro usaite basa, iwe kana mwana wako mukomana, kana musikana, kunyange munhu anokushandira, murume kana mukadzi, kana nzombe yako, kana dhongi rako, kana chipfuwo chako chipi nechipi zvacho, kunyange muuyi agere nemi kuitira kuti munhu anokushandira murume kana mukadzi azororewo sewe. 15Rangarira kuti iwe waiva muranda munyika yeIjipiti, Tenzi Mwari wako akakubudisamo noukuru hwake nesimba rake guru. Naizvozvo Tenzi Mwari wako akakuudza kuti uchengete Sabata.
16“Remekedza baba vako namai vako, sezvawakaudzwa naTenzi Mwari wako, kuti mazuva ako awande zvigokunakira munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. 17Usauraye. 18Usaite upombwe. 19Usabe. 20Usapupurire mumwe nhema. 21Usachive mukadzi womumwe wako. Usachive imba yake, kana munda wake, kana munhu anomushandira murume kana mukadzi, kunyange nzombe yake, kana dhongi rake, kana chii zvacho chomumwe wako.”
22Mitemo iyoyi Tenzi akaitaura nezwi rake guru kugungano renyu rose ari mukati memoto negore riya rakanga rakasviba kuti ndoo, haana kuenderera mberi. Akainyora pamafendefa maviri emabwe, akandipa.
Kutya kwakaita vaIsiraeri paGomo reSinai
(Kub 20:18–21)
23“Imi pamakanzwa izwi richibva muzarima, iro gomo richinganduma moto imi navatungamiriri vamadzinza enyu navakuru vakuru venyu makauya kwandiri 24mukati, ‘Tarisai muone kuti Tenzi Mwari wedu aratidza mbiri yake noukuru hwake. Tanzwa izwi rake richibva mukati memoto, tikabva tazvionera nhasi kuti Mwari anogona kutaura nomunhu, munhu agokwanisa kuramba ari mupenyu. 25Zvino tofireiko? Moto mukuru iwoyu uchatiroromesa, kana tikazonzwazve izwi raTenzi Mwari wedu tinofa 26nokuti pavanhu vose zvavo ndianiko akambonzwa izwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto sezvatakaita akaramba ari mupenyu? 27Chiendai imi munotinzwira zvose zvinotaurwa naTenzi Mwari wedu. Zvose zvamunenge mataurirwa naTenzi Mwari wedu tiudzei, tizviteerere tigozviita.’
28“Tenzi paakanzwa zvamakareva, akati kwandiri, ‘Zvataurwa navanhu ava ndazvinzwa. Zvavataura kwauri zvose zvakanaka, 29dai waro vakangoramba vane mwoyo wakadaro wokundiremekedza, nokuchengeta mitemo yangu zvinhu zvose zvingavanakire ivo navana vavo narini narini! 30Chienda undovaudza kuti vadzokere zvavo kumatendhe. 31Asi iwe sara kuno neni. Ndichakutaurira zvirevo nemitemo nemirao yose yauchavadzidzisa kuti vandoichengeta munyika yandiri kuvapa kuti ive yavo.’
32“Zvino chenjererai kuita zvose zvamakaudzwa naTenzi Mwari wenyu, musingatsaudzire moita zvomusoro wenyu. 33Munofanira kutevedza zvose zvamakaudzwa naTenzi Mwari wenyu kuti murarame, zvikunakirei, mazuva enyu awande munyika iyoyo ichazova yenyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 5: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda