Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 28:3-14

Kutsinhira Mutemo 28:3-14 SCLBD

“Muchakomborerwa mumaguta menyu nomumaruwa menyu. “Muchakomborerwa nokupiwa vana vakawanda, nembesa zhinji muminda yenyu, nemhuka dzakawanda. Zvipfuwo zvako zvichaita matanga namatanga, vana vezvimwe zvipfuwo zvako vachiita gumi nefararira. “Muchakomborerwa zvokuti matengu enyu achagara akati pamu pamu kuzara, mutsero dzenyu hamuzomboshayikwa chirimo. “Muchakomborerwa mune zvose zvamuchaita. “Tenzi achaita kuti vavengi venyu vanenge vakumukirai vakurirwe. Vachakuvingai vakatungamidzana, asi muchavaitisa chimwandamwanda. “Tenzi achakomborera basa rako. Achazadza matura ako. Achakukomborera munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. “Tenzi achakuitai rudzi rwavanhu vake pachake vatsvene maererano nemhiko yaakakuitirai, ndokungewo machengeta mirao yaTenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake. Naizvozvo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano vachaona kuti munodaidzwa nezita raTenzi. Vachakutyai. Tenzi achakupfumisa achikupa vana vakawanda, nezvipfuwo zvizhinji nembesa zhinji, munyika yakatsidzirwa madzibaba ako naTenzi kuzokupa. Tenzi achakuzarurira matura oupfumi hwake hwakanaka hwokumatenga achikunayisira mvura mumunda mako nenguva yayo chaiyo nokukomborera basa rose raunobata. Uchakweretesa ndudzi zhinji dzavanhu, asi iwe usina chaunokwereta kwavari. Tenzi achakuitai musoro, kwete muswe. Ucharamba uchibudirira chete, usingakundikane, ndokunge wateerera mirao yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno wanyatsoichengetawo. Regawo kutsautsira pane murao upi noupi zvawo pamirao yandiri kukuudza nhasi, woita zvomusoro wako wotevedza vamwe vamwari uchivashandira.