Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 16

16
Pasika
(Kub 12:1–20)
1“Rangarira mwedzi waAbhibhi ugoita Mabiko ePasika yaTenzi Mwari wako nokuti mumwedzi waAbhibhi Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti nousiku. 2Unofanira kupira chibayiro chePasika kuna Tenzi Mwari wako chichibva mumatanga ezvimwe zvipfuwo kana emombe dzako undopira panzvimbo yaachasarudza kuti aise zita rake. 3Mabiko acho usaadye nechingwa chine mbiriso. Pedza mazuva manomwe uchiadya nechingwa chisina mbiriso, chingwa chomunhamo, kuitira kuti muupenyu hwako hwose urangarire zuva rawakabuda muIjipiti uchiita zvechimbichimbi kutiza. 4Mumazuva manomwe iwayo ngakurege kuva nomunhu anoonekwa aine mbiriso munyika yenyu yose. Nyamawo yechibayiro chamunopira manheru ezuva rokutanga ngairege kusvika mangwana ichiripo.
5“Pamaguta ose aunopiwa naTenzi Mwari wako, haubvumirwi kupira chibayiro chePasika muguta rose rose zvaro, 6asi panzvimbo ichasarudzwa naiye Tenzi Mwari wako kuti aise zita rake. Ipapo ndipo pauchapira chibayiro chePasika manheru zuva rovira, panguva yawakabuda muIjipiti. 7Nyama yacho bikira nokuidyira panzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako. Mangwanani acho wofumodzokera zvako kwauri kugara. 8Unofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe unganidzanai pana Tenzi Mwari wenyu muite musangano mukuru. Regai kuita basa musi iwoyo.
Zuva rokupemberera kukohwa
(Kub 34:22; Mup 23:15–21)
9“Unofanira kuverenga mavhiki manomwe, utange kuaverenga kubvira panguva yaunotanga kusimudzira jeko kucheka mbesa dzako mumunda, 10wozoitira Tenzi Mwari wako zuva guru rokupemberera kukohwa wakabata chipo chomupiro wokupa nokuda kwako waunopa maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. 11Pembera uchifara pana Tenzi Mwari wako panzvimbo yaakasarudza kuisa zita rake iwe navana vako vakomana navasikana, nomuranda wako wechikadzi newechirume nomuRevhi agere muguta rako, nomutorwa nenherera nechirikadzi vari pakati penyu. 12Rangarira kuti waiva muranda muIjipiti, saka chenjerera kuchengeta mirao iyoyi.
Mazuva Makuru aMatumba okupemberera kukohwa
(Mup 23:33–43)
13“Munofanira kuchengeta Mazuva Makuru aMatumba kwamazuva manomwe mapedza kupura nokusvina magirepisi enyu. 14Pembera uchifara pamazuva ako iwayo, iwe navanakomana vako navanasikana vako navaranda vako vechikadzi nevechirume pamwechete navaRevhi nenherera nechirikadzi vari mumaguta enyu. 15Mazuva manomwe ngaaperere mukupemberera Tenzi Mwari wako muri panzvimbo yaachasarudza nokuti Tenzi Mwari wako achakukomborera pane zvaunokohwa zvose nebasa rose ramaoko ako, mugonyatsofara zvenyu.
16“Vanhu venyu vose vechirume vanofanira kuuya kuna Tenzi Mwari wenyu katatu pagore, kunzvimbo yaachasarudza. Ngavauye paMazuva eChingwa Chisina Mbiriso, napaMazuva Makuru aMavhiki oKupemberera Kukohwa napaMazuva Makuru aMatumba. Hapana anouya akangobata maoko chete. 17Munhu wese anofanira kupa sokugona kwake maererano nokukomborerwa kwaakaitwa naTenzi Mwari wako kwaanenge akupa.
Ruenzaniso pakutonga
18“Unofanira kusarudza vatongi namakurukota mumaguta ako ose aunopiwa naTenzi Mwari wako mudzinza nedzinza. Ngavaite ruenzaniso pakutonga kwavanoita vanhu. 19Usatsaudzire pakutonga. Rega kunyara maziso avanhu. Usagamuchire pfumbamuromo nokuti pfumbamuromo inodzimaidza munhu ane ungwaru, inopa kuti munhu akarurama ataure zvake zvisizvo. 20Saka ruenzaniso, ruenzaniso chete ndirwo rwaunosungirwa kutevedza kuitira kuti urarame ugogara nhaka yenyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako.
Kutsautsira pakunamata
21“Rega kudzika chimuti chinomiririra Ashera pedyo neatari yaTenzi Mwari wako. 22Regawo kumisa chero chimufananidzo zvacho chisingadiwi naTenzi Mwari wako.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 16: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda