Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 12

12
Nzvimbo imwechete yokupira Tenzi mipiro nezvibayiro
1“Iyi ndiyo mirao nezvirevo zvamunofanira kungwarira kuchengeta, mazuva ose oupenyu hwenyu pasi pano, munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wamadzitateguru ako. 2Ndudzi dzamuri kundotorera nyika yadzo dzine nzvimbo dzadzinonamatira vamwari vadzo dziri mumakomo marefu nomuzvikomo nomunyasi momuti wose wakasvibira mashizha. Nzvimbo idzodzo dzose dziparadzei zvokuparadza zviya. 3Pazai atari dzavo, muputswe-putswe shongwe dzavo dzamabwe akamiswa, muroromese nomoto zvifananidzo zvakavezwa zvinomiririra mwari wavo Ashera, muteme-teme vamwari vavo vakavezwa, murovese zvachose mazita avo panzvimbo idzodzo.
4“Zvakadaro izvozvo, musazviite kuna Tenzi Mwari wenyu. 5Asi muchandonamata Tenzi Mwari wenyu kunzvimbo imwechete yaachasarudza pakati pamadzinza enyu ose, kuisa zita rake achiita musha wake, ndokwamuchaenda ikoko. 6Ikoko ndiko kwamuchaunza mipiro yokupisa, nezvibayiro nemipiro yezvegumi, nezvimwe zvipo zvamunopira, nemipiro yezvamunenge makambotsidzira, nemipiro yokupa nokuda kwenyu, nemipiro yamatangwe emombe neezvimwe zvipfuwo zvenyu. 7Ipapo pana Tenzi Mwari wenyu ndipo pamuchadyira, muchifara, imi nemhuri dzenyu pane zvose zvamunoita nesimba ramaoko enyu nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai.
8“Regai kuzoita maitiro atiri kuita pano aya okuti munhu anoita napaanofunga kuti ndipo pakanaka. 9Iye zvino hamusati masvika zvenyu kwamuchanyatsogara, kunyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu. 10Asi kana mazoyambuka Jorodhani magara munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive yenyu, akuzorodzai kuvavengi venyu vose, mava norugare, 11munofanira kuunza zvose zvandiri kukurayirai kunzvimbo imwechete ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu kuisa zita rake pairi. Ndiko kwamuchaunza mipiro yokupisa nezvibayiro nemipiro yezvegumi nezvimwe zvipo zvamunopira, nemipiro yamunenge makambotsidzira kupa kuna Tenzi. 12Muchafara muriko pana Tenzi Mwari wenyu, imi navana venyu, vakomana navasikana, navaranda venyu, vechikadzi nevechirume, nevaRevhi vagere mumaguta enyu zvavasina kupiwa nhaka pakati penyu. 13Chenjerera kuti urege kungopira panzvimbo pose pose paunenge wangoda mipiro yako yokupisa. 14Asi pira panzvimbo imwechete inenge yasarudzwa naTenzi munyika yerimwe dzinza renyu. Ikoko ndiko kwaunofanira kupira mipiro yokupisa nokuita zvose zvandiri kukuudza.
15“Asi baya zvako nyama udyire chero muguta rako ripi zvaro sokuda kwako, sokukomborerwa kwaunenge waitwa naTenzi Mwari wako. Inogona kudyiwa zvayo nomunhu anenge an'ora neasina kun'ora sezvamunongoitawo nemhara nemhembwe. 16Asi ropa rayo ndiro bedzi ramusingabvumirwi kudya, riregei rirasikire pasi semvura.
17“Rega kudyira mumaguta ako mipiro yezvegumi kana yembesanwa kana yewaini, kana yamafuta, kana yamatangwe emombe neezvimwe zvipfuwo zvako kana mupiro zvawo wako wezvawakambotsidzira Mwari kana mipiro yokupa nokuda kwako, kunyange zvimwe zvipo zvaunopira. 18Asi zvidyire pana Tenzi Mwari wako, iwe navana vako vakomana navasikana, navaranda vako vechikadzi nevechirume nevaRevhi vanenge vagere mumaguta ako, mufare muchipembera nebasa ramaoko enyu. 19Usazorega kuva nehanya nevaRevhi nguva dzose dzaunogara munyika iyoyo.
20“Kana Tenzi Mwari wako achinge azokudza-kudza nyika yaari kukupa sokukuvimbisa kwaakaita, ukazoti, ‘Ndava kuda nyama,’ wava nenhomba yenyama, idya zvako nyama yaunoda. 21Kana nzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako kuti zita rake rinamatirwe ipapo iri kure newe, ungabaye zvako mombe kana chimwe chipfuwo chako chawakapiwa naTenzi, asi zviite sokurayira kwandakakuita. Idye hako napaunodira mumaguta ako. 22Samadyiro anoitwa mhara kana anenge mhembwe, ndiwo madyiro aunoiita. Munhu wose anobvumirwa kuidya zvake, anenge an'ora kana asina. 23Asi chenjerera chete kuti urege kudya ropa nokuti ropa ndohupenyu nezvo usadye upenyu pamwechete nenyama yacho. 24Rega kudya ropa, asi rirege rirasikire pasi semvura. 25Usaridye kuti zvose zvikunakire iwe nezvizvarwa zvako nokuti unenge uchiita zvinofadza Tenzi. 26Asi zvinhu zvaunenge watsaurira kuturira Mwari, nezvawakatsidzira kupa kuna Mwari, tora uende nazvo kunzvimbo ichazosarudzwa naTenzi. 27Ikoko ndiko kwaunopira mipiro iya yokupisa chibayiro chose zvacho, ropa nenyama yacho zvichiiswa paatari yaTenzi Mwari wako. Asi kana zviri zvimwe zvibayiro, ropa dururira paatari yaTenzi Mwari wako, nyama yacho uchidya zvako. 28Nyatsoteerera mitemo yandiri kukupa kuti zvizokunakira iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi nokuti unenge uchiita zvakanaka, zvinofadza Tenzi Mwari wako.
Usanamate vamwe vamwari
29“Kana Tenzi Mwari wako aparadza achikudzingira ndudzi munyika yauri kundotora kuita yako, wagara mairi, 30chenjerera kuti urege kuteyiwa woda kudzitevedzera. Rega kufeya-feya uchiti, ‘Ko ndudzi idzodzi dzainamata sei vamwari vadzo kuti ndiiteo zvimwechetezvo?’ 31Usaite zvakadaro kuna Tenzi Mwari wako nokuti ivo vanoita kuna vamwari vavo zvisingadiwi naTenzi, nezvaanovenga. Vanotopisa mumoto kunyange vana vavo vakomana navasikana vachivapira kuna vamwari vavo.
32“Nyatsochengeta zvose zvandiri kukuudza, usambowedzera kana kutapudza chinhu.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 12: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda