Naizvozvo Dhanieri akaenda kuna Arioku uya akanga apiwa namambo basa rokuparadza vangwaru veBhabhironi. Akaenda akamutaurira kuti, “Chiregai zvenyu kuparadza vangwaru veBhabhironi. Ndisvitseiwo kuna mambo nditsanangurire mambo.”
Arioku akabva akurumidzawo kusvitsa Dhanieri pana mambo akasuma kuna mambo achiti, “Ndazowana munhu mukati menhapwa dzakatapwa kwaJudha anogona kuzivisa mambo dudziro iya.”
Mambo akabvunza Dhanieri uya akanga ava kunzi Bheriteshaza kuti, “Unogona here kundizivisa hope dzandakarota nedudziro yadzo?”
Dhanieri akadaira kuna mambo achiti, “Hakuna vangwaru kana vanhu vamapipi kana vamaminimini kunyange nyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vangagone kuonesa kuna mambo chakavanzika ichi chakakumbirwa namambo.
“Asi kudenga uku kuna Mwari!
Ndiye anoisa pachena zvakavanzika,
akatozozivisawo imi mambo Nebhukadhineza
zvichaveko mune ramangwana.
Hope dzamakarota ndedzidzi idzi
nezviratidzo zvakauya mumusoro menyu
murere zvenyu pamubhedha ndezvizvi.
Kwakauya kwamuri imi mambo
murere zvenyu pamubhedha
pfungwa dzezvichauya mune ramangwana,
iye anodudzira zvakavanzika
achikuzivisai zvinhu zvichazovapo.
Asi zvakavanzika izvozvi hazvina
kuoneswa kwandiri pamusana pokuti
ini ndini ndazova muchenjeri chaiye
kupfuura vapenyu vose.
Asi zvangoitirwa kuti mambo aziviswe
dudziro yacho uye kuti mugonzwisisa
pfungwa dzakasvika mumusoro menyu.
“Mambo, imi makatarisa mukaona,
hero zimufananidzo guru.
Zimufananidzo iroro rakanga rakasimba chaizvo
richipenya zvakanyanyisa kwazvo
rimire mberi kwenyu richityisa kutarisa.
Musoro wezimufananidzo irori wakanga uri
wendarama chaiyo yakanakisisa, dundundu
raro namaoko ari esirivha,
dumbu racho nezvidya zvakanga zviri zvendarira,
makumbo aro ari esimbi.
Tsoka dzaro dzakanga dzakati
pamwe ndepesimbi pamwe pomunyakwe.
Makatarisa kudaro,
pakapipfurwa dombo risina kudimurwa namaoko omunhu,
rikatema zimufananidzo racho patsoka dzaro idzodzo
dzaiti apa ndepesimbi apa ndepomunyakwe rikadzipwanyanisa.
Ipapo simbi iya nomunyakwe wacho
nendarira yacho nesirivha
iya nendarama yacho zvakapwanyaniswa
zvose pamwechete,
zvikabva zvaita sehundi iri paburiro
pachirimo zvikapupurutswa nemhepo zvikatsakatika.
Asi dombo riya rakanga ratema mufananidzo uya
rakava zigomo guru rikatozara pasi pose.
“Idzodzi ndidzo hope dzacho idzi.
Zvino tochikutaurirai, mambo, zvadzinoreva.
Imimi mambo, mambo wamadzimambo,
iyemi nyakupiwa naMwari Wedenga dzinyika dzoumambo hwenyu
kudai nesimba noukuru nembiri,
mumaoko menyu ndimo makaiswa,
vanhu nomhuka dzesango neshiri dzedenga,
kwose kwose ikoko kwazvigere,
akakuitai kuti muve nohutongi hwazvo zvose izvozvo.
Musoro wendarama uya, ndimi wacho.
Mushure menyu, kuchamuka humwe umambo
hwakati dererei pane hwenyu,
tevere umambo hwechitatu,
umambo hwendarira huchazotonga pasi pose zvapo.
Kuchazovawo noumambo hwechina huchange
hwakasimba sesimbi inopwanya nokutiwo simbi
inopwanya ichinyatsoparadza zvinhu zvose.
Uye sesimbi inopwanya, umambo ihwohwo
huchipwanya huchiparadza zvose izvozvi.
Sokuonawo kwamakaita tsoka dzacho nezvigunwe
zvakati apa pesimbi apa pomunyakwe,
umambo ihwohwo huchange huri umambo hune mazvakemazvake.
Asi pamwe nepamwe muumambo ihwohwo,
pachange pakasungwa noutare
sokusimbawo kwesimbi sokuona kwamakaita simbi
yakasanganiswa nomunyakwe womuumbi.
Uye zvigunwe sezvazvakanga zvakati
pamwe ndepesimbi pamwe ndepomunyakwe
saizvozvo umambo hwacho huchange
hwakati apa pakasungwa noutare apa zinyekenyeke.
Sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe,
saizvozvo vachaita mawirirano okuroorerana.
Asi kunyatsobatana chaikoiko havambobatani,
sezvinongoita simbi nomunyakwe zvisingakwanisi kunyatsobatana.
Zvino mumazuva amadzimambo iwayo
Mwari Wedenga achagadza umambo husingazofa hwakaparadzwa
kunyange kuti masimba ahwo
ambokuurirwa kune rumwe rudzi rwavanhu.
Huchapwanyanisa nyika dzose dzoumambo ihwohwo
huchidzisvitsa kumugumo.
Asi ihwo, huchazogara narini narini wose.
Sokuona chaiko kwamakaita kuti
dombo rakapipfurwa richibva pagomo
risina kudimurwa noruoko rwomunhu,
uye kuti rakandopwanyanisa simbi nendarira
nomunyakwe nesirivha nendarama zviya,
Mwari mukurukuru kwazvo ndiye azivisemi
mambo zvinhu zvichazovako mune ramangwana.
Hope idzodzi, ihope chaidzo,
uye dudziro yacho ndeyechokwadi.”
Mambo Nebhukadhineza akabva ati nouso pasi kota kota achiremekedza Dhanieri, akati vanhu vapire mupiro norusenzi kuna iye Dhanieri. Mambo akati kuna Dhanieri:
“Zvechokwadi,
Mwari wako ndiMwari wavamwari
ndiye Changamire wamadzimambo.
Mududziri wezvakavanzika
nokuti iwe wagona kududzira zvakavanzika izvi.”
Mambo akabva apa kuna Dhanieri ukuru ukuru hwapamusorosoro nezvipo zvikuru zvakawanda akamuitawo mutongi wenyika yose yeBhabhironi nomukuru mukuru wavatungamiriri wavangwaru vose zvavo veBhabhironi. Dhanieri akasvitsawo chichemo kuna mambo, mambo akabva apa Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego basa rokuona nezvenyaya dzenyika yeBhabhironi. Asi Dhanieri akaramba achingova wepadare ramambo.