Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 2:24-49

Dhanieri 2:24-49 SNA2002

Naizvozvo Dhanieri akapinda kuna Arioki, akanga arayirwa namambo kuparadza vachenjeri veBhabhironi; akandoti kwaari, “Rega hako kuparadza vachenjeri veBhabhironi; ndiise pamberi pamambo, ndichazivisa mambo kududzirwa kwazvo.” Ipapo Arioki akaisa Dhanieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo.” Mambo akapindura, akati kuna Dhanieri, ainzi Bheteshazari. “Iwe unogona kundizivisa kurota kwandakaona, nokududzirwa kwazvo here?” Dhanieri akapindura mambo, akati, “Chinhu chakavanzika, chakarehwa namambo, hakuna vane njere, kana n’anga, kana vachenjeri, kana vafemberi vangazivisa mambo izvozvo; asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoo dzenyu, hezvi; kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhoo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa. Asi kana ndirini, chinhu ichi chakavanzika hachina kundiziviswa nokuda kwenjere dzandinadzo dzinopfuura dzavamwe vapenyu vose, asi kuti mambo aziviswe kududzirwa kwazvo, uye kuti muziviswe pfungwa dziri mumwoyo wenyu. “Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakaisvo‐naka, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho. Kana chiri chifananidzo ichi, musoro wacho wakanga uri wendarama yakaisvo‐naka, chipfuva chacho namaoko acho zvakanga zviri zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvakanga zviri zvendarira, makumbo acho akanga ari edare, uye tsoka dzacho dzaiti pamwe dare pamwe ivhu. Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwe richivezwa, asi zvisingaitwi namaoko omunhu, rikarova chifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, rikadziputsa‐putsa. Ipapo dare nevhu nendarira nesirivha nendarama zvakaputsanyiwa pamwechete, zvikafanana nehundi iri paburiro nenguva yezhizha; zvikatorwa nemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo; asi ibwe, rakanga rarova chifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose. “Ndizvo zvamakarota; zvino tichazvidudzira pamberi pamambo. Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMwari wokudenga ushe noumambo nesimba nokubwinya; pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imi ndimi musoro wendarama. Shure kwenyu umwe ushe uchamuka, uduku kwamuri; tevere ushe hwechitatu hwendarira; huchabata panyika yose. Ushe hwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya. Zvamakaona tsoka nezvigunwe, zvakaitwa pamwe nevhu romuumbi wehari, pamwe nedare, uchava ushe hwakaganhurwa; asi simba redare richavamo, zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro. Zvigunwe zvamakumbo zvazvakanga zvakaitwa pamwe nedare pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwe nesimba, pamwe haungatani kuputsika. Uye zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro, saizvozvo vachavengana namarudzi avanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani, nevhu. Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga achamutsa ushe, usingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo uchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi. Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa‐putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi.” Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, akanamata Dhanieri, akarayira kuti vamuvigire chipo nezvinonhuwira zvinozipa. Mambo akapindura Dhanieri, akati, “Zvirokwazvo, Mwari wako ndiye Mwari wavamwari, naIshe wamadzimambo, nomuzivisi wezvakadzama, iwe zvawakagona kuzivisa chinhu ichi chakavanzika.” Ipapo mambo akaita Dhanieri mukuru, akamupa zvipo zvikuru zvizhinji, akamuita mubati wenyika yose yeBhabhironi, nokumuitawo mutariri mukuru wavakachenjera vose veBhabhironi. Dhanieri akakumbira kuna mambo, akagadza Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakava varairi vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi; asi Dhanieri akagara pasuo ramambo.

Verenga chikamu Dhanieri 2