Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Mabasa Avapositori ibhuku renhoroondo yavarume navakadzi vakatangisa kuparidza Shoko Rakanaka kubva pazuva rePendekositi, pakaburuka Mweya Mutsvene pana vapositori. Sezvazvakangoita kuti muShoko Rakanaka rakanyorwa naRuka tinopiwa nhoroondo yokuberekwa kwoMununuri wedu Jesu, Mweya Mutsvene akanga ari iye aishanda pakuva munhu kwake napakuombekwa kwake napakuita basa kwake, ndizvo zvimwechetezvo nomubhuku rino, tinoonawo kuberekwa kwesangano raKristu richitungamirirwa naMweya Mutsvene muzvinhu zvose. Kunyange zvazvo mazita avapositori achidomwa ose, Judhasi Isikarioti achitotsiviwa naMatiasi uye bhuku iri richitopiwa zita rokuti Mabasa Avapositori, asi vapositori vanotaurwa zvakawanda nezvavo vaviri chete, Pita (1–12) naPauro (13–28).
Chinangwa chebhuku iri ndechokuti Teofiro navanhu vose vakadzidziswa nezvechitendero chaKristu vakanyatsojekeserwa pachishandiswa nhoroondo yezvakaitika muvakristu vokutanga (1:6–11; 1:12–26; 2:1–13; 3:1–10; 5:1–16) nenhauro dzaipiwamo (2:14–42; 3:11–26; 7:1–53). Rinoratidza kuti vateveri vokutanga vaKristu vakava zvapupu sei kubvira muJerusaremu nokuSamaria kundosvika kumiganu yapasi. Izvi zvakatangira muJersaremu, guta guru ravaJudha, kundosvika kuRoma, guta guru revechirudzi, zvikaramba zvichingoenda kunyika dzose. Mubhuku iri, tinoona rufaro nenhamo dzavakristu. Tinoona kubudirira nokukundika kwavo (4:32—5:11). Tinoonawo uchapupu uhu huchitosvitsa vanhu mukusungwa nokuiswa mumajeri kana kutouraiwa sezvakaitwa Sitefani (7:54–59).
Pane zvinhu zvina zvikuru zvinotaurwa nezvazvo mubhuku iri, ndezvizvi zvinoti simba raMweya Mutsvene (2:1–47), kuva zvapupu zvaKristu (1:8) norufaro nenhamo (4:32—5:16) kwouya mubatirapamwe mukuparidza Shoko raMwari.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raMabasa Avapositori
Kusuma nokukwira kwaJesu kudenga (1:1–11)
I: Sangano romuJerusaremu (1:12—5:42)
II: Mabasa esangano okutanga okuparidza kune vechirudzi (6:1—12:25)
III: Nzendo dzaBhanabhasi naPauro (13:1—15:35)
Rwendo rwokutanga (13:1—14:28)
Dare guru rokuJerusaremu (15:1–35)
IV: Nzendo dzaPauro (15:36—19:20)
Rwendo rechipiri rwaPauro (15:36—18:22)
Rwendo rwechitatu rwaPauro (18:23—19:20)
V: Rwendo rwaPauro rwokupedzisira (ari muusungwa) (19:21—28:31)

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda