Naizvozvo hama dzangu sarudzai pakati penyu varume vanomwe vane zita rakanaka vazere naMweya noungwaru vatinogona kupa basa iri. Asi isu tozvipira kubasa rokunamata nokuva vashandiri veShoko.” Zvavakataura zvakafadza gungano rose. Vakasarudza Sitefani murume akanga azere nechitendero naMweya Mutsvene kouya Firipi naPurokorusi naNikanori koti Timoti naPemenasi naNikorausi wokuAndiyoku akapindukira kuchiJudha. Vakavaunza panavapositori. Ivo vakanamata vakaisa maoko avo pavari. Shoko raMwari rakaenderera mberi uye uwandi hwavadzidzi hwakakura zvikuru kwazvo muJerusaremu. Vapristi vazhinji vakagamuchirawo chitendero. Sitefani aiva azere nenyasha nesimba akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu. Ipapo vamwe vaiva veSinagogu yavaSununguki sokudaidzwa kwayaiitwa, nevokuSairini nevokuArekizandiria nevakabva Kirikia nokuAsia vakamuka kuitirana nharo naSitefani. Asi havana kukwanisana noungwaru naMweya waaitaura ainaye. Vakasoka vamwe varume kuti vati, “Takamunzwa achitaura manzwi okushonha Mosesi naMwari.” Vakapinza mweya wokupanduka mukati mavanhu nomukati mavakuru vakuru nomuvanyori vakaenda kwaari vakamubata vakamuunza kudare. Vakamuisira zvapupu zvenhema vakati: “Munhu uyu haambomira kutaura mashoko ukushora nzvimbo ino tsvene uye kushora Mutemo, nokuti takamunzwa achiti, ‘Jesu uyu weNazareti achaparadza nzvimbo iyi uye achasandura tsika dzatakagamuchira kuna Mosesi.’ ” Dare rose rakanga rigeremo rakanyatsomutarisisa rikaona kuti uso hwake hwakanga hwakaita souso hwomutumwa.
Verenga chikamu Mabasa 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 6:3-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo