Zvino hama dzangu, tsanangurai pakati penyu varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka, vazere naMweya nouchenjeri, vatingaisa pabasa iri. Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa rokuparidza shoko.”
Shoko iri rikafadza vazhinji vose, vakatsanangura Sitefano, murume akanga azere nokutenda naMweya Mutsvene, naFiripi, naPirokoro, naNikano, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, nyakupindukira kuchiJudha weAndioki. Vakavaisa pamberi pavapostori; vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo.
Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru muJerusaremu; navapristi vazhinji vakagamuchira kutenda.
Zvino Sitefano, azere nenyasha nesimba, akaita zvinoshamisa nezviratidzo zvikuru pakati pavanhu.
Ipapo vamwe vavo, vaiva vesinagoge rainzi ravasununguki, navaKurene, navaArekizandiriya, naveKirikia, naveAsia, vakasimuka vakaita nharo naSitefano. Asi vakanga vasingagoni kukunda kuchenjera kwake, naMweya waaitaura naye. Ipapo vakamutsa varume, vaiti, “Takamunzwa achitaura mashoko anomhura Mosesi naMwari.” Vakakurudzira vanhu, navakuru, navanyori; vakamuwira, vakamubata, vakamuisa kumakurukota, vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti, “Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurayiro.
“Nokuti takamunzwa achiti, ‘Uyu Jesu weNazareta achaparadza nzvimbo iyi nokusandura tsika dzatakapiwa naMosesi.’ ” Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakaona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.