Kusvikira ipapa vakamuteerera vakazodaidzira vachiti, “Panyika pano, pasi nomunhu wakadai, nokuti haafaniri kurarama.” Pavaidaidzira vachivheyesa hanzu dzavo vachitibura huruva, mukuru mukuru wamasoja akati ngaauiswe munzvimbo inogara masoja vamurove kwazvo kuti vaongorore vaone chikonzero chokuti vaJudha vazhambe kwaari zvakadaro. Pavakanga vamusunga netambo, Pauro akati kumutungamiri wezana ramasoja akanga amire pedyo, “Zviri pamutemo here kuti imi murove munhu muRoma musina kumubata nemhosva.” Mutungamiri wezana paakazvinzwa akaenda kumukuru mukuru wamasoja uya akati kwaari, “Ko chii chamuri kuda kuita ichi. Munhu uyu muRoma.” Ipapo mukuru mukuru wamasoja akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Iye akati, “Hongu.” Mukuru mukuru wamasoja akati, “Ndakatenga uRoma ihwohwo nemari yakawanda kwazvo.” Pauro akati, “Asi ini ndakaberekwa ndiine uRoma ihwohwo.” Nokudaro vaya vakanga vachida kumuongorora vakabva paari pakarepo. Naiyewo mukuru mukuru wamasoja akanga avakutotyawo nokuti akanga azviziva kuti Pauro akanga ari muRoma uye kuti akanga amusunga kwazvo.
Verenga chikamu Mabasa 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 22:22-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo