Vakamuteerera kusvikira pashoko iro; ipapo vakadanidzira, vachiti, “Akadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.” Vakadanidzira, vakakandira nguo dzavo pasi, vachikushira ivhu kudenga, mukuru wechiuru chamazana akarayira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurohwa zvikuru, kuti azive mhosva yavakanga vamupopoterera kudai. Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, akanga amirepo, “Makatenderwa kurova munhu ari muRoma, asina kutongwa here?” Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda kumukuru wechiuru chamazana, akamuudza akati, “Munoda kuiteiko? Nokuti munhu uyu muRoma.” Mukuru wechiuru chamazana akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Akati, “Hongu.” Mukuru wechiuru chamazana akati, “Ini ndakatenga simba iri rokuva muRoma nomutengo mukuru.” Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.” Zvino vakanga vomubvunzisisa, vakabva kwaari pakarepo, nomukuru wechiuru chamazana akatyawo achiziva kuti iye muRoma, uye nokuti akanga amusunga.
Verenga chikamu Mabasa 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 22:22-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo