Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 15:1-11

Mabasa 15:1-11 SCLBD

Kwakauya vamwe varume vachibva kuJudhea vachidzidzisa vehama kuti, “Kana musina kudzingiswa zvinoenderana noMutemo waMosesi, hamugoni kuponeswa.” Pauro naBhanabhasi havana kuwirirana navo uye vakakavadzana navo zvikuru. Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakazosarudzwa kuti vaende kuJerusaremu kuna vapositori navakuru vakuru nezvenyaya iyi. Saizvozvo zvavakatumwa nesangano kuenda rwendo rwavo vakapfuura nomuFonikia nomuSamaria vachirondedzera kutendeuka kwevechirudzi. Izvi zvakafadza kwazvo vose vehama. Pavakasvika Jerusaremu vakagamuchirwa nesangano navapositori navakuru vakuru vakarondedzera zvose zvavakaitiswa naMwari. Asi vamwe vatendi vebato ravaFarisei vakasimuka vakati, “Vanhu ava vanosungirwa kudzingiswa uye kuvaudza kuti vanofanira kuchengeta Mutemo waMosesi.” Vapositori navakuru vakuru vakaungana kuti vafunge nezvenyaya iyi. Pashure pokunge patauriranwa zvikuru, Pita akasimuka akati kwavari, “Hama, imi munoziva kuti pamazuva okutanga, Mwari akandisarudza pakati penyu kuti vechirudzi vanzwe kubva pamuromo pangu dama reShoko Rakanaka kuti vadavire. Mwari anoziva mwoyo womunhu akazvitsigira nokuvapa Mweya Mutsvene sezvaakangoitawo kwatiri. Haana kumbotisianisa navo asi akachenesa mwoyo yavo nechitendero. Zvino munoedzerei Mwari nokuisa joko pamutsipa yavadzidzi risina kukwanisa kutakurwa namadzibaba edu kana nesu? Asi tinotenda kuti tichaponeswa nenyasha dzaTenzi Jesu sokuponeswa kwavachaitwa.”

Verenga chikamu Mabasa 15