Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 15:1-11

Mabasa 15:1-11 SNA2002

Zvino vamwe vakaburuka Judhea, vakadzidzisa hama, vachiti, “Kana musingadzingiswi netsika yaMosesi, hamungaponeswi.” Asi Pauro naBhanabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakwire Jerusaremu kuvapostori navakuru pamusoro peshoko iri. Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFonikia neSamaria, vakataura zvokutendeuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose. Zvino vakati vasvika Jerusaremu, vakagamuchirwa nekereke, navapostori, navakuru; vakarondedzera zvose zvakaitwa naMwari navo. Asi vamwe vedzidziso yavaFarisi, vaitenda, vakasimuka, vakati, “Vanofanira kudzingiswa nokurayirwa kuti vachengete murayiro waMosesi.” Ipapo vapostori navakuru vakaungana kuti varangane pamusoro peshoko iri. Zvino, nharo huru dzakati dzavapo, Petirosi akasimuka akati kwavari, “Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari akanditsanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reVhangeri nomuromo wangu, vatende. Zvino Mwari, muzivi womwoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu; haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa mwoyo yavo nokutenda. Naizvozvo zvino, munoedzireiko Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu? Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaIshe Jesu nomutoo mumwe navo.”

Verenga chikamu Mabasa 15