2 Vatesaronika Zviri mutsamba yechipiri kuvaTesaronika
Zviri mutsamba yechipiri kuvaTesaronika
Tsamba yechipiri kuvaTesaronika payakanyorwa pakanga pasisina chakanaka muguta reTesaronika pamusana pemarehwarehwa norunyerekupe rwokuti zuva raTenzi Jesu rokudzoka kwake rakanga ratova pamusuo chaipo. Vamwe vakanga vavakutorega mabasa. Nokudaro tsamba iyi yakanyorwa kuti ipodze nyaya iyi nokuvayeuchidza kuti kudzoka kwaTenzi kune zvinhu zvichatiyambira sezvizvi zvokuti kuchauya Wakaipa uya uyewo kuti kuchava nokurasa chitendero kwavazhinji. Saka tsamba iyi yaiva yokuti vanhu vaenderere mberi namabasa avo vasiane nousimbe. Chitsauko chechipiri (2) yebhuku iri ndiyo mwoyo chaiwo wetsamba iyi munonyatsotaurwa nezvechinangwa chetsamba iyi, chokuti vanhu vokuTesaronika vanofanira kuramba vakabatisisa chitendero chavo mukati menhamo dzavanadzo, vazvishandire chavanodya uye kuti varambe vachiita zvakanaka.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yechipiri kuvaTesaronika
Kusuma (1:1–2)
Kutongwa pakudzoka kwaKristu (1:3–12)
Mhandu (2:1–12)
Imi makasarudzirwa ruponeso (2:13–17)
Mazwi okuonekana (3:1–15)
Mazwi okupedzisira (3:16–18)
Zvasarudzwa nguva ino
2 Vatesaronika Zviri mutsamba yechipiri kuvaTesaronika: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.