Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 8

8
Kudzoserwa kwomudzimai womuShunemu musha nomunda wake
1Erisha akanga ati kumudzimai uya ane mwanakomana waakaita kuti ave mupenyu pakare, “Simukai mutame nemhuri yenyu iyi mumbondogara kwose kwose kwamunenge mawana nokuti Tenzi aronga kuti kuite shangwa yenzara munyika muno kwamakore manomwe.” 2Saizvozvo mudzimai uyu akasimuka akaita sezvaakanga ataurirwa nomunhu waMwari. Akaenda nemhuri yake akambondogara kunyika yevaFirisitia kwamakore manomwe. 3Kuzoti makore manomwe apera pakadzoka mudzimai uyu kunyika yavaFirisitia, akandosvitsa nyaya yake kuna mambo yokuti adzoserwe musha wake namakura ake. 4Izvozvo mambo aingunotaura naGehazi mushandi womunhu waMwari achiti, “Ndiudze ndinzwe mabasa makuru ose akaitwa naErisha.” 5Akati achirondedzera kuna mambo zvakaitwa naErisha zvokuita kuti munhu akanga afa ave mupenyu pakare, mudzimai uya akamutsirwa mwanakomana wake naErisha ndiye nepo wotopira nyaya yake kuna mambo yokuti adzoserwe musha wake namakura ake. Gehazi ndokuti, “A changamire mambo ndiyeyuka mudzimai wacho, hoyuka mwanakomana wake nyakuitwa mupenyu pakare naErisha.” 6Mambo paakabvunzawo mudzimai uyu, iye akamurondedzera. Mambo akabva amusarudzira mumwe mukuru mukuru akamuti, “Dzoserai mudzimai uyu zvinhu zvake zvose pamwechete nembesa dzose dzaibuda mumunda wacho kubvira pamusi waakasiya dunhu iroro kusvikira iye zvino.”
Muporofita Erisha namambo Bhenihadhadhi weSiria
7Zvino Erisha akaenda kuDhamasikusi. Bhenihadhadhi mambo weSiria airwara. Paakataurirwa kuti, “Munhu waMwari akauya kuno,” 8mambo akati kuna Hazaeri, “Takura chipo ichi undosangana nomunhu waMwari, undinzwire kuti Tenzi anoti kudii nokwaari, uti, ‘Ko ini ndichararama here paurwere hwangu ihwohu?’ ” 9Saizvozvo Hazaeri akaenda kundosangana naye akamutakurira chipo chezvinhu zvose zvakasiyana-siyana zvomuDhamasikusi zvaitotakurwa namakumi mana engamera. Paakasvika akamira paaiva akati, “Mwanakomana wenyu, Bhenihadhadhi mambo weSiria andituma kwamuri neshoko rokuti, ‘Ko ini ndichararama here paurwere hwangu ihwohu?’ ”
10Erisha akati kwaari, “Enda undomutaurira kuti zvanzi, ‘Zvokupora muchanyatsorarama zvenyu, asi Tenzi andiratidza kuti zvechokwadi muchafa.’ ” 11Erisha ndokuramba akamuti ndee kumutarisa kusvikira ava kunyara ndokubva munhu waMwari ahwihwidza kuchema. 12Hazaeri akati, “Zvaita seiko changamire kuzohwihwidza kuchema kudai?”
Iye akati, “Nokuti ndiri kuziva zvakaipa zvauchaita kuvanhu veIsiraeri. Uchapisa nomotoka iwe nzvimbo dzavo dzakavakirirwa netsvingo. Uchaurayaka iwe majaya avo namapakatwa, pwere dzavo uchipwatitsira kurovera pasi, uchitumbura madzimai avo ane pamuviri.”
13Hazaeri ndokuti, “Pangu panowo iyeni muranda wenyu, imbwa zvayo ndingasvikewo pakuita chinhu chikuru chakadaro.”
Erisha akati, “Tenzi andiratidza kuti ndiwe uchava mambo weSiria.” 14Akazobva pana Erisha akadzokera kuna tenzi wake akamuti, “Erisha ati kudiiko kwauri.”
Iye akati, “Zvandataurirwa naErisha ndezvizvi zvokuti kupora muchanyatsopora.” 15Asi mangwana acho akatora chimwe chokufukidza nacho akachinyika mumvura akati gude kupfumbira uso nacho kusvikira afa. Hazaeri akava mambo pachinzvimbo pake.
Jehoramu mambo wokwaJudha (848—841 K.A.A.)
(2 Nhor 21:1–20)
16Mugore rechishanu rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. 17Akanga ava namakumi matatu amakore namakore maviri paakava mambo, akatonga muJerusaremu kwamakore masere. 18Iye akatevedzera makwara amadzimambo okwaIsiraeri sezvakanga zvaitwa nevemba yaAhabhu nokuti mudzimai wake akanga ari mukunda waAhabhu. Akaitawo zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. 19Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza vokwaJudha achiitira muranda wake Dhavhidhi, sezvo akanga amutsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere navanakomana vake.
20Panguva yake Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha, ikazvigadzirawo mambo wayo. 21Joramu ndokuyambukira kuZairi aine ngoro dzake dzose dzehondo, akamuka nousiku iye navakuru vakuru vake vengoro dzehondo akarakatisa kuuraya vaEdhomu vakanga vamukomberana. Asi hondo yake yakatizira kumusha. 22Nokudaro Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha kusvikira pari nhasi, panguva yakareyo guta reRibhuna rakapandukawo. 23Inga dzimwe nyaya dzezvaJoramu nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. 24Joramu akazovatawo oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwe chete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi, mwanakomana wake Ahaziya akazotonga pachinzvimbo pake.
Ahaziya mambo wokwaJudha (841 K.A.A.)
(2 Nhor 22:1–6)
25Mugore regumi nechipiri rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsairaeri, Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wakwaJudha akatangisa kutonga. 26Ahaziya akanga ava namakore okuberekwa makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga, akatonga gore rimwechete ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Atariya vaiva muzukuru waOmuri mambo wokwaIsiraeri. 27Iyeyuwo akatevedzera makwara emba yaAhabhu achiita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakanga zvaitwa nemba yaAhabhu sezvo aiva mukuwasha kumba yaAhabhu.
28Ahaziya akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kuhondo kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti kuGireadhi kwakakuvadzirwa Joramu navaSiria. 29Mambo Joramu akadzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa nevaSiria kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzikako kundotarira Joramu mwanakomana waAhabhu kuJezirieri sezvo ainge achirwara.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 8: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda