Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 10

10
Kuurayiwa kwakaitwa vana vokwaAhabhu
1Ahabhu aiva navanakomana makumi manomwe kuSamaria. Jehu akanyora tsamba akadzitumira kune vokuSamaria kuvatongi veJezirieri nokuvakuru vakuru vacho nokune vaiva vokuchengeta vana ivava vaAhabhu achiti,
2“Sezvamunongoonawo kuti vana
vatenzi venyu munavo, nengoro
dzehondo munadzo namabhiza uye
mune maguta ane tsvingo nezvombowo
zvokurwisa nazvo saka
panongosvika chete tsamba iyoyi kwamuri
3mobva matosarudza mwana
watenzi wenyu murume uno chaiye
akasvika mumugadze pachigaro chababa
wake choumambo, mutorwira umambo
hwemba yababa wenyu.”
4Asi vakabva vabatwa nokutya kwakanyanyisa kwazvo vakati, “Onaika kuti madzimambo maviri aya akakundika kumirisana naJehu ko kutozoti isusu?” 5Nokudaro mukuru mukuru womuzinda nomutongi weguta pamwechete navakuru vakuru vacho navachengeti vaya, vakatumira Jehu shoko rokuti, “Tiri varanda venyu zvose zvamunenge mangotiudza tinoita. Hakuna munhu watinogadza umambo kuno. Itai zvenyu zvamunoda.”
6Iye akavanyorera tsamba yechipiri achiti,
“Kana muri kudivi kwangu uye kana
makagadzirira kunditeerera mochidaizvi.
Bvisai vanakomana vatenzi
wenyu misoro muuye kwandiri kuJezireeri
mangwana panguva idzo dzino idzi.”
Izvozvo vanakomana vamambo makumi manomwe vakanga vaine varume vomuguta iroro vaivarera. 7Pakasvika tsamba iyi kwavari, vakabata vanakomana vamambo, makumi manomwe avanhu vakavauraya vakaisa misoro yavo mudzitswanda vakaitumira kuna Jehu kuJezirieri.
8Pakasvika nhume ikamupira kuti, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo,” iye akati, “Iitei mirwi miviri kumberi kwesuo guru kusvikira mangwanani.” 9Mangwanani acho akabuda akamirapo akataurira vanhu vose kuti, “Imi hamuna mhosva. Ini ndini ndakapandukira tenzi wangu ndikamuuraya. Ko akaurayawo vose ava ndiani? 10Chizivai kuti muromo waTenzi hauwire pasi waakataura iye Tenzi nezvemba yaAhabhu nokuti Tenzi aita zvaakareva nomuromo womuranda wake Eriya.” 11Saizvozvo Jehu akauraya vose vemba yaAhabhu vakanga vasara kuJezirieri, akaurayawo vakuru vakuru vake vose neshamwari dzake navapristi vake akasara asisina nomunhu wose.
Kuurayiwa kwakaitwa hama dzamambo Ahaziya
12Jehu akasimuka akaenda kuSamaria, ari munzira kudaro ava kuBhetiekedhi yavafudzi 13akasangana nehama dzaAhaziya mambo wokwaJudha akati, “Ndimi vanaaniko?” Ivo vakati, “Isu tiri hama dzokwaAhaziya tauya kuzoshanyira vanakomana vamambo nevanakomana vaamai vamambo.” 14Iye ndokuti, “Vabatei vari vapenyu kudai.” Vakavabata vari vapenyu kudaro vakavaurayira kumugodhi wokuBhetiekedhi vaiva makumi mana avanhu ana vanhu vaviri hapana waakasiya ari mupenyu.
Kuurayiwa kwakaitwa dzimwe hama dzaAhabhu
15Paakabva ipapo akasangana naJehonadhabhu mwanakomana waRekabhu achiuya kuzosangana naye. Jehu akamukwazisa akamuti, “Uri papi? Ini ndiri wako ini. Ko iwe uri wangu here?” Iye akati, “Ndizvozvo.” Jehu akati, “Kana zvakadaro ndibate,” iye ndokumukwazisa. Jehu akamukwidza mungoro yake yehondo 16akati, “Handei undoona shungu dzangu naTenzi.” Vakabva vamukwidza mungoro make. 17Kuzoti asvika kuSamaria akauraya vose vokwaAhabhu vakanga vasara muSamaria kudzamara aparadza sokutaurawo kwaTenzi nomuromo waEriya.
Firo yakaita vanamati vaBhaari
18Jehu akazounganidza vanhu vose akati kwavari, “Kunamata Bhaari kwaiita Ahabhu kwaiva kushoma kuye, ini Jehu ndichamunamata zvikuru kwazvo. 19Saka naizvozvo chindidaidziraiwo vaporofita vose vaBhaari navose vanomunamata navapristi vake vose kurege kuwana asingauyeko. Hapafanire kuva neanoshayikwapo. Ndinodaro nokuti ndine chibayiro chikuru kwazvo chokupira kuna Bhaari. Kuwana anoshayikwapo pake pamuperera.” Asi Jehu aiita izvozvo kuri kunyengedza achida zvake kuparadza vanamati vaBhaari. 20Jehu akati, “Itirai Bhaari musangano,” vakabvawo vaukokera. 21Jehu akatumira shoko kwaIsiraeri kwose, vanamati vaBhaari vose vakauya zvokuti hapana asina kuuya. Vakapinda mumba yaBhaari ikazara kunze nokunze. 22Jehu akati kune aichengeta maichengeterwa magemenzi, “Buritsira magemenzi vanamati vaBhaari vose.” Saizvozvo akavaburitsira magemenzi aye. 23Jehu akapinda mumba maBhaari aina Jehonadhabhu mwanakomana waRekabhu akati kuvanamati vaBhaari, “Nyatsotsvakai muone kuti hapana munamati waTenzi pakati penyu asi kuti vanamati vaBhaari voga.” 24Vakapinda#10:24 Vakapinda: ChiHebheru ndicho chinoti vakapinda asi chiGiriki chinoti akapinda. Asi izvozvo Jehu akanga aisa varume makumi masere kunze vaakati, “Kuwana anongopunyutsa vandinenge ndaisa mumaoko enyu pake panomuperera.” kundopira zvibayiro nemipiro yokupisa.
25Paakangopedza chete kupira chibayiro chokupisa, Jehu akati kune vakanga vakagaririra vaye nokuvakuru vakuru, “Pindai muvauraye! Hapana anofanira kupunyuka!” Vokugaririra vaye navakuru vakuru pavakapedza kuvauraya namapakatwa, vakakanda zvitunha panze vakapinda mumba yomukati memba yaBhaari. 26Vakaburitsa chifananidzo chokunamata chaiva mumba maBhaari vakachipisa. 27Vakapwanya chifananidzo chaBhaari ichocho, vakapwanya imba yaBhaari vakaiita chimbuzi kusvikira pari nhasi.
28Nokudaro Jehu zvaBhaari muIsiraeri akazviparadza kuti nho. 29Asi Jehu haana kukanda pasi zvechitadzo chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo, zvezvimhuru zvendarama zvaiva kuBhetieri nokwaDhani. 30Tenzi akati kuna Jehu, “Pamusana pokuti waita zvakanaka kumba yaAhabhu zvandinoda zvose zvanga zviri pamwoyo pangu, vana vako vakomana vechizvarwa chechina vachagara paumambo hwokwaIsiraeri.” 31Asi Jehu haana kuchenjerera kutevedza murao waTenzi, Mwari weIsiraeri nomwoyo wose. Haana kukanda pasi zvechitadzo chaJerobhoamu chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo.
Rufu rwaJehu
32Pamazuva iwayo Tenzi akatangisa kutapudza nyika yeIsiraeri. Hazaeri akavakurira munyika yose zvayo yeIsiraeri, 33kubvira muna Jorodhani zvichienda kumabvazuva munyika yose yeGireadhi neyokwaGadhi neyokwaRubheni neyokwaManase; kubvirawo kuguta reAroero pedyo nebani romuna Arinoni zvichireva kuti Gireadhi neBhashani. 34Inga dzimwe nyaya dzezvaJehu nezvose zvaakaita nougamba hwake hwose zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. 35Jehu akazoenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake, vakamuviga muSamaria. Jehoahazi mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake. 36Jehu akatonga vokwaIsiraeri ari muSamaria kwamakore makumi maviri namasere.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 10: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda