Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 5:17-20

2 Vakorinde 5:17-20 SCLBD

Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya. Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai, takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari.