2 Vakorinde 1
1
KUSUMA
Kwaziso
1Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu, ndakasarudzwa naMwari, ndinokunyorerai ini nehama yedu Timoti, imi vesangano raMwari riri kuKorinde pamwechete navatsvene vose vari muAkaya yose ndichiti 2Mwari Baba wedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare.
3Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose, 4anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari. 5Nokuti sokubatana zvakanyanya kwazvo kwatinoita naKristu mumatambudziko ake saizvozvowo nokuna Kristu tinonyaradzwawo zvikuru kwazvo. 6Kana isu tichitambudzika, ndimi vatinotambudzikira kuti munyaradzwe nokuponeswa. Kana tikanyaradzwa imi munobva mawana kunyaradzwawo kwamunonzwa kana muchitirira nemwoyo murefu matambudziko mamwechetewo atinotambudzika. 7Chivimbo chedu mamuri hachizunguzuki nokuti tinoziva kuti sokubatana kwatinoita nemi mumatambudziko edu, muchanyaradzwawo pamwechete nesu.
8Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku. 9Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa. 10Akatinunura munyatwa yorufu uye achatinunura. Chivimbo chedu chiri maari chokuti achatinunurazve. 11Imi mukatibatsirawo neminamato yenyu, vazhinji vachatenda nezvikomborero zvatinenge tapiwa pamusana peminamato yavazhinji yatinenge taitirwa.
I: ZVINHU ZVAKANGA ZVICHANGOBVA MUKUITIKA
Pauro anosandura zvirongwa zvake
12Chatinodada nacho uye chinopupurwawo nehana yedu ndechichi chokuti takagarisana navamwe zvakanaka panyika asi zvikuru nemi, tiri vatsvene nokuva pachokwadi chaMwari. Hatina kuzviita noungwaru hwapasi pano asi nenyasha dzaMwari. 13Hatikunyorerei zvamusingakwanisi kuverenga nokunzwisisa. Ndinotarisira kuti muchanyatsonzwisisa, 14sokutinzwisisa kwamunoita zvishoma kuti munogonawo kudada nesu sokudadawo kwatinoita nemi pazuva raTenzi Jesu. 15Ndaiva nechokwadi chaicho nazvo zvokuti ndakanga ndatoronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti muve norufaro rwakapetwa kaviri. 16Ndaida kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia uye pakudzoka kwangu kuMasedhonia kuti mundibatsire parwendo rwangu kuJudhea. 17Pandaironga izvozvi ndaisandukasanduka here? Ndinoronga zvinhu zvangu mukungozvifunga somunhu, ndichigona kuti, “Hungu” “Nakwete” panguva imwecheteyo here? 18NaMwari chaiye akatendeka, shoko redu kwamuri harina kunge riri hungu nakwete, 19nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari maingova nahungu. 20Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu wazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, “Ameni” nemaari kuti Mwari arumbidzwe. 21Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu.#1:21 Izvi zviri kureva kuti takazodzwawo saiye muzodzwa, Kristu. Kristu zvinoreva muzodzwa. 22Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake mumwoyo medu sorubatso.
23Mwari ngaandipupurire kuti chandakaregerera kuuya kuKorinde kwaiva kuti ndirege kukunetsai. 24Hatisi kukuudzai zvamunofanira kutenda asi tinoshanda pamwechete kuti muve norufaro nokuda kokuti mumire makasimba muchitendero chenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Vakorinde 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.