Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Nhoroondo 5

5
1Sokudaro basa rose rakaitwa naSoromoni remba yaTenzi rakapera. Soromoniwo akauya nezvinhu zvababa wake Dhavhidhi zvakanga zvapirwa kuna Mwari zvaiti: sirivha nendarama nemidziyo yose akazvirongedza maichengeterwa upfumi hwemba yaMwari.
Kuunzwa kwebhokisi rechitenderano
(1 Madzi 8:1–9)
2Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avanhu vechiIsiraeri kuJerusaremu kuti vaende kundotora bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni. 3Saizvozvo varume vose veIsiraeri vakaungana kuna mambo pamazuva makuru muri mumwedzi wechinomwe. 4Vakuru vakuru vose veIsiraeri pavakasvika, vaRevhi vakandotakura bhokisi rechitenderano. 5Vakaunza bhokisi rechitenderano netendhe rokusanganira nemidziyo yose inoera yaiva mutendhe racho. Vapristi nevaRevhi ndovakauya nazvo. 6Mambo Soromoni negungano rose reIsiraeri rakanga raungana kwaari vaiva pamberi pebhokisi rechitenderano ipapo vachipira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa. 7Vapristi vakazondoisa bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo paro, munzvimbo inoera mukamba komukatikati kemba iyoyi, munzvimbo inoeresesa munyasi memapapiro amakerubhu aye. 8Chaivepo ndechokuti, makerubhu acho akanga akatambanudzira mapapiro pamusoro penzvimbo yebhokisi rechitenderano zvokuti makerubhu iwayo aiva akafugidza bhokisi rechitenderano iri namapango aro okuritakurisa. 9Mapango iwayo akanga akareba zvokuti kwokupedzesera kwawo kwaitoonekwawo kunyange neari munzvimbo inoera, tisati tapinda munzvimbo inoera, kamba komukatikati kaye. Asi akanga asingaoneke nomunhu ari kunze, achiriko nanhasi uno. 10Mubhokisi rechitenderano makanga musina chimwe chinhu kunze kwamafendefa maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu, kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakabuda muIjipiti.
Gore rokupenya kwokuvapo kwaMwari muTemberi
11Pakazobuda vapristi munzvimbo inoera, vapristi vose ivava vaivapo vakatenge vambozvichenura pasina kuti uyu ndowebato ripi, 12vaimbi vose vekwaRevhi vanaAsafu naHemani naJedhutuni navanakomana vavo nehama dzavo vakanga vakapfeka hanzu dzerineni dzakanakisisa kwazvo vaina makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendami vakamira kumabvazuva kweatari pamwechete navapristi zana namakumi maviri vokuridza mabhosvo; 13basa revokuridza mabhosvo ivava navaimbi ava riri rokuburitsa mumhanzi pamwechete vachirumbidza Tenzi vachimutenda. Rwiyo ndokubva rwanzi povo kukagoridzwa mabhosvo namakwakwakwa acho nezvimwewo zvokuridzisa mumhanzi vachirumbidza Tenzi vachiti,
“Nokuti wakanaka
uye mwoyochena wake haupere,”
imba iyoyo, imba
yaTenzi yakazadzwa negore.
14Zvokuti vapristi vakatadza kuita basa ravo pamusana pegore iroro nokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwazadza imba yaMwari.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Nhoroondo 5: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda