2 Nhoroondo 17
17
D: HURUMENDE YAJEHOSHATI
Kugara umambo kwaJehoshafati
1Jehoshafati mwanakomana wake akatonga panzvimbo pake akazvigadzirira kurwisana nevokwaIsiraeri. 2Akaisa varwi vehondo mumaguta ose etsvingo okwaJudha, akaisa zvikwata zvavarwi munyika yokwaJudha nomumaguta okwaEfuremu akanga akurirwa nababa wake Asa. 3Tenzi aiva naJehoshafati nokuti aitevedza makwara okutanga ababa vake.#17:3 Ababa vake: Izvi zvinotaurwa namaBhaibhiri mamwe mashomanana uye nerechiGiriki, nerechiHebheru rinoti avasekuru vake Dhavhidhi. Haana kutsvaka vanaBhaari, 4asi aitsvaka Mwari wamadzibaba ake achitevedza mirao yake asingaite somuitiro wevokwaIsiraeri. 5Naizvozvo Tenzi akaita kuti umambo hudzike midzi mumaoko ake vokwaJudha; vose vaiunza mutero kuna Jehoshafati, iye akava noupfumi huzhinji achikudzwa kwazvo. 6Akanga akaisa mwoyo wake mune zvokunamata, Tenzi uyewo akabvisa maJudha nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nezvifananidzo zvokunamata zviAshera. 7Mugore rechitatu rokutonga kwake akatuma machinda ake aya anoti Bhenihairi naObhadhiya naZekariya naNetaneri naMikaya kundodzidzisa mumaguta okwaJudha. 8Akavatuma pamwechete nevaRevhi ava vaiti Shemaya naNataniya naZebhadhiya naAsaeri naShemiramoti naJehonatani naAdhoniya naTobhiya naTobhadhoniya, pamwechete nevaRevhi ivava akatuma vapristi ava vanoti Erishama naJehoramu. 9Vakadzidzisa munyika maJudha vaine Bhuku roMutemo waTenzi. Vakatenderera nomumaguta ose okwaJudha vachidzidzisa muvanhu.
Ukuru hwaJehoshafati
10Kutya Tenzi kwakawira madzimambo enyika dzakapoteredza Judha akarega kuzorwisa Jehoshafati. 11Vamwe vechiFirisitia vakaigira Jehoshafati zvipo nesirivha yomutero. VaArabhu vakaunzawo kwaari zviuru zvinomwe zvina mazana manomwe ehondohwe nezviuru zvinomwe zvine mazana manomwe amakotora. 12Ukuru hwaJehoshafati hwakaramboenda mberi. Akavaka maJudha imomu maguta etsvingo neematura. 13Aiva nemirwi nemirwi yezvaakachengeta mumaguta okwaJudha.
Aivawo nevarwi vehondo, magamba chaiwo okurwa hondo muJerusaremu. 14Mamiriro avakanga vakaita, dzinza nedzinza ndeaya:
VokwaJudha: vatungamiriri
vezviuru, paiti
Adhina mutungamiriri wacho mukuru
aina mazana matatu ezviuru zvavarume,
mvumba chaidzo dzokurwa hondo
15achitevedzerwa nomumwe mutungamiriri
mukuru, Johohanani aina mazana
maviri anamakumi masere ezviuru.
16Achitevedzerwawo
naAmasiya mwanakomana waZikiri
aiva munhu akazvipira zvake
kuita basa raTenzi aivawo
namazana maviri ezviuru,
mvumba chaidzo dzokurwa hondo.
17Kune vokwaBhenjamini: kwaiva naEriyadha
mvumba chaiyo, gamba chairo rokurwa
hondo aine mazana maviri ezviuru
zvevarume vokurwa nemiseve nenhoo;
18achitevedzerwa naJehozabhadhi;
aine vanhu zana rine makumi masere
ezviuru vane zvombo zvehondo.
19Ivava vaishandira mambo pasingaverengerwe vaya vakanga vaiswa namambo mumaguta etsvingo munyika mose maJudha.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 17: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.