1 Vatesaronika 1
1
1Ndini Pauro naSirivhanusi naTimoti tinokunyorerai imi sangano rokuTesaronika muna Mwari Baba naTenzi Jesu Kristu.
Nyasha norugare ngazvive nemi.
Upenyu nechitendero chokuTesaronika
2Tinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu mose. Tinogara takakudomai muminamato yedu 3tichiyeuka pana Mwari naBaba vedu basa renyu rechitenderano, nebasa renyu rorudo uye kutirira kwenyu muchitarisiro chamuinacho muna Tenzi wedu Jesu Kristu. 4Tinoziva, hama dzangu, imi vadiwa vaMwari kuti Mwari akakusarudzai 5nokuti Shoko redu Rakanaka rakauya kwamuri, kwete zvepamuromo chete asi nesimba naMweya Mutsvene uye nechivimbo chizere. Imi munoziva kuti takaratidza kuti tiri vanhuyi zvataiva pakati penyu tichizviitira imimi. 6Imi makatitevedzera mukatevedzerawo Tenzi nokuti makagamuchira shoko irori muri munhamo huru asi makarigamuchira norufaro muchifemerwa naMweya Mutsvene, 7zvokuti makava muenzaniso kuvatendi vose vokuMasedhonia nokuAkaya. 8Shoko raTenzi richibva kwamuri harina kungonzwika kuMasedhonia nokuAkaya koga asi chitendero chenyu muna Mwari chakasvika kose kose zvokuti hapana chatingataure. 9Chiripo ndechokuti ivowo pachavo vanotaura kuti makatigamuchira zvakadii pakati penyu uye kuti makasiya zvokunamata mifananidzo muchipindukira kuna Mwari kuti munamate Mwari mupenyu wechokwadi, 10uye kumirira kwamunoita Mwanakomana wake kubva kudenga iye waakamutsa kuvakafa, Jesu anotinunura kuhasha dzaMwari dziri kuuya.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vatesaronika 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.