1 Samueri 17
17
Kuvirimirwa kwavaIsiraeri naGoriati
1VaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuSoko guta rokwaJudha kuti varwe hondo vakadzika matendhe pakati peSoko neAzeka muEfesidhamimu. 2Izvozvo Sauro akanga aunganawo navarwi veIsiraeri vadzikawo matendhe avo mubani reEra vatoronganirana kuchirwisa vaFirisitia. 3VaFirisitia vakanga vamire mugomo kune rumwe rutivi, vaIsiraeri vamirewo mugomo kune rumwewo rutivi bani riri pakati pavo. 4Zvino kumatendhe evaFirisitia, kwakabuda imwe shasha yokuGati yainzi Goriati yakanga yakareba mamita anenge oda kusvika matatu.
5Akanga akadzika nguwani yendarira mumusoro akapfeka chidemautare chendarira chokuzvidzivirira nacho chairema makirogiramu ainge oda kusvika makumi mashanu ana manomwe. 6Uyezve akanga ana mapatisi endarira pamipimbiri, akatanhika pfumo rendarira pamapfudzi. 7Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita somutandariko wechinoshandiswa nomuruki. Chese yesimbi yepfumo rake yairema makirogiramu manome. Mutakuri wenhoo yake aiva mberi kwake. 8Akamira akadaidzira kuhondo dzavaIsiraeri achiti, “Mavingei kutoronganirana hondo kudai? Hezvinoka ini ndiri muFirisitia, imi muri varanda vaSauro. Chizvisarudzirai munhu murege auye kuno kwandiri. 9Kana akagona kurwa neni akandiuraya, isu tichava varanda venyu. Asi ndikange ndamukurira, ndikamuuraya imi ndimi muchava varanda vedu vokutishandira.” 10MuFirisitia uyu ndokuti, “Nhasi ndiri kushora hondo dzavaIsiraeri. Ndipei munhu, ndirwe naye.” 11Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa izvi zvaitaurwa nomuFirisitia uyu vakakangaidzwa nazvo vakatya zvikuru.
Kusvika kwaDhavhidhi kumatendhe avaIsiraeri
12Dhavhidhi aiva mwanakomana womumwe muEfurati wokuBheterehemu kwaJudha ainzi Jese aiva navana vakomana vasere. Panguva dzaSauro, Jese uyu, akanga akwegura uye ava namakore akawanda. 13Asi vana vake, vakomana vakuru vatatu, ndivo vakaenda kuhondo naSauro. Mazita avana vavo vakomana vatatu vokuenda kuhondo ndeaya: kunoti Eriabhu, dangwe rake, achiteverwa naAbhinabhabhu, kwozoti Shama, ariye wechitatu. 14Dhavhidhi ndiye aiva gotwe. Vakuru vacho vatatu vaya vakaenda naSauro. 15Dhavhidhi aipota achibva kwaSauro achimbondofudza hwai dzababa vake kuBheterehemu.
16MuFirisitia uya akapedza mazuva makumi mana achiuya ipo paya kuzozvionesa mangwanani namanheru oga oga.
17Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Igira vakoma vako makirogiramu gumi embesanwa dzakakangwa idzi nezvingwa izvi gumi ukurumidze kuenda nazvo kumatendhe kuvakoma vako. 18Endawo nezvimedu izvi gumi zvechizi undopa mutungamiriri wavo wechiuru chavarwi. Enda undoona kuti vakoma vako vakadii, utivigirewo zvimwe zvinobva kwavari. 19Sauro navakoma vako navaIsiraeri vose vari kurwisana navaFirisitia kubani reEra izvozvi.”
20Dhavhidhi akafumomuka akasiya hwai dziine mumwe wokudzichengeta. Akatora mbuva iya woenda sokuudzwa kwaangakanga aitwa naJese. Akasvika pamatendhe izvozvo varwi vakanga vachitobuda vachienda kundoronganirana hondo, ngondo ichirira. 21VaIsiraeri navaFirisitia vakanga zvino vamirisana chikwata nechikwata chavarwi zvakatarisana. 22Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake mumaoko omuchengeti wezvinhu, akamhanyira kwaiva navarwi akandobvunzana upenyu navakoma vake. 23Paaitaura kudaro murume uya, shasha yavaFirisitia yainzi Goriati, akabuda mukati mehondo yechiFirisitia ndokupamhidza kutaura twake twuya. Dhavhidhi ndokunzwa achitaura. 24Varwi vose zvavo veIsiraeri pavakamuona vakamutiza vachitya kwazvo. 25Varwi veIsiraeri vakataurirana vachiti, “Muri kuona here murume uyo? Uyu ndiye munhu ari kuzovirimira Isiraeri kwazvo. Munhu anenge amuuraya, mambo achamupa upfumi hwakawanda kwazvo nokumupawo mukunda wake. Achatiwo mhuri yokwake igare zvayo isina chainomanikidzwa kuita muIsiraeri.”
26Dhavhidhi akati kuvarume vaiva vamire naye, “Munhu anenge auraya muFirisitia uyu achibvisa nyadzi pavaIsiraeri achaitirweiko nokuti ndiani muFirisitia iyeyu asina zvake kudzingiswa anobva atodai kudhadhairira hondo yaMwari mupenyu?” 27Ivavowo vakamupindura zvimwechetezvo vakati, “Ndizvo zvichaitirwa anenge amuuraya.”
28Zvino paitaura Dhavhidhi navamwe varume vaya, mukoma wake mukuru Eriabhu akazvinzwa akamuvirukura nehasha achiti, “Ko wavingei kuno? Hwai dziya shoma wadzisiya nani musango ndinoziva kushaya matyira kwako nokuipa mwoyo kwako, izvozvi kuuya zvako kuzoyeva chete hondo iri kurwiwa.”
29Dhavhidhi akapindura achiti, “Ko zvino ndatadzei? Kazwi kamwechete chete kandati nditaure?” 30Akatendeuka kubva kuno uya obvunza mumwewo zvimwechetezvo, vanhu vakapindura zvimwechetezvo.
31Mazwi akataurwa naDhavhidhi paakanzwikwa navanhu vakaasvitsa kuna Sauro. Sauro ndokumutumira nhume kuti auye.
Kurwisana kwaDhavhidhi naGoriati
32Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuwana munhu anorasa mwoyo pamusana pomunhu uyu. Ini muranda wenyu ndichaenda ndindorwisa muFirisitia uyu.”
33Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Haungakwanisi kundorwisana nomuFirisitia uyu. Uri mwana muduku iwe. Iye murume wezvokurwa chikuriro chake chose.”
34Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini muranda wenyu ndaimbova mufudzi wehwai dzababa vangu. Kwaiti kana kukauya bere kana shumba ikabata hwayana mudanga, 35ndaiironda ndigoiuraya ndichinunura hwayana yacho mukanwa mayo. Yaiti ikange yandimukira ndoiti hetu nendebvu dzayo ndoirova ndoiuraya. 36Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.” 37Dhavhidhi akati, “Tenzi nyakumbondinunura mukanwa meshumba nebere achandinunurawo mumaoko omuFirisitia iyeyu.”.
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako Tenzi ngaave newe.” 38Sauro akapfekedza Dhavhidhi hanzu dzokurwisa nadzo dzake iye pachake. Akamupfekedza nguwani yendarira mumusoro akamupfekedzawo chidemautare chokuzvidzivirira nacho. 39Dhavhidhi akakwaikira bakatwa rake pahanzu dzake dzokurwisa nadzo. Dhavhidhi zvaakanga asina kujairirana nadzo akatadza kufamba nadzo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handikwanise kuenda nadzo nokuti handina kudzijaira.” Dhavhidhi akabva adzipfekenura. 40Akatora tsvimbo yake mumaoko ndokusarudza tunhombo twakaurungana tushanu mukakova ndokutuisa muhomwe yomunhava yake ndokunanairira muFirisitia uya aine chimviriri chake mumaoko.
41MuFirisitia uya akabva auya chaizvo kuna Dhavhidhi ikoko, wokumutakurira nhoo uya ari mberi kwake. 42MuFirisitia akatarisa akaona Dhavhidhi akamushora nokuti aingovawo zvake jaya rakatsvukuruka rine chimirowo zvacho chakanaka. 43MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri mbwa here yaunouya wakabatira shamhu? MuFirisitia akarengerera achishurikidzira Dhavhidhi rushambwa runobva kuna vamwari vake.” 44MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kwandiri! Nyama yako ndichaipa kushiri dzedenga nokumhuka dzesango.”
45Dhavhidhi ndokuti kumuFirisitia, “Iwe uri kundivinga nebakatwa nepfumo nemharu, asi ini ndiri kukuvinga muzita raTenzi Samasimbaose, Mwari wehondo dzavaIsiraeri waunoshora. 46Nhasi uno Tenzi achakuisa mumaoko angu, ndichakuuraya ndokudimura musoro. Iye nhasi uno wakare ndichapa zvitunha zvehondo yavaFirisitia kushiri dzedenga nokuzvikara zvapasi pano zvigozivikanwa pasi pose kuti muIsiraeri muna Mwari. 47Uyewo kuti gungano iri rose rizive kuti Tenzi haanunure vanhu nebakatwa kana nepfumo nokuti hondo iri mumaoko aTenzi. Atokuisai mumaoko medu.” 48MuFirisitia uyu akabva amuka wokanyaira kuvinga Dhavhidhi. Dhavhidhi akakasika akadididzawo kundosangana nomuFirisitia uya munhandare yokurwa. 49Dhavhidhi akapinza ruoko munhava yake akatora kanhombo akakavheyesa nechimviriri ndokukobora muFirisitia pahuma. Dombo ndokubva rati vido kunyura muhuma yake. MuFirisitia uya ndokubva awira pasi nouso. 50Dhavhidhi akakurira muFirisitia nechimviriri nekabwe; akakobora muFirisitia akamuuraya asi Dhavhidhi akanga asina bakatwa mumaoko. 51Dhavhidhi akamhanya akasvikomira pamuFirisitia uya ndokuti bakatwa raGoriati wee kuriburitsa mumuhara maro. Akamupupura ndokumudimura musoro naro.
VaFirisitia pavakaona kuti shasha yavo yafa vakabva vati ware kutiza. 52Varwi vokwaIsiraeri novokwaJudha vakabva vanyandukawo vachiitawo ruzha vodzingirirana navaFirisitia kudzamara vava kuda kusvika kuguta uye kusuo guru reGati#17:52 Gati: muchiHebheru muna Gai, Gati iri muchiGiriki. nereEkironi. Ruzhinji rwavaFirisitia rwakanga rwakuvara rwakaita murakatira kufa munzira kubvira kuSharaimu kusvikira kuGati neEkironi. 53VaIsiraeri pavakadzoka vabva kundodzingirira vaFirisitia vakapamba matendhe avo. 54Dhavhidhi akatora musoro womuFirisitia uyu akaenda nawo kuJerusaremu. Asi zvombo zvake akazviisa mutendhe rake.
Sauro anoda kuziva nezvaDhavhidhi
55Sauro, paakaona Dhavhidhi achienda kundorwa nomuFirisitia uya akabvunza Abhuneru mutungamiriri mukuru wehondo kuti, “Nhai Abhuneru, mukomana uyu, mwana waani?” Abhuneru ndokuti, “Mambo! Ndinopika chaizvo, handimboziva ini!”
56Mambo akati, “Bvunza kuti jaya iri mwana waani.”
57Pakadzoka Dhavhidhi kundouraya muFirisitia uya, Abhuneru akamutora akaenda naye kuna Sauro, musoro womuFirisitia uri mumaoko ake. 58Sauro akamubvunza kuti, “Nhai zijaya, uri mwana wani?” Dhavhidhi akati, “Ndiri mwana womuranda wenyu Jese vokuBheterehemu.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri 17: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.