1 Pita Zviri mutsamba yokutanga yaPita
Zviri mutsamba yokutanga yaPita
Tsamba yokutanga yaPita yakanyorerwa vatendi vakanga vasiri muIsiraeri, vaigara kune dzimwe nyika. Yakanyorerwa kukurudzira vanhu ivavo vaiva munhamo namatambudziko nokuda kwechitendero chavo. Tsamba iyi inoti kwavari tevedzerai Jesu Kristu (2:21). Zviisei pasi pavakuru vehurumende (2:13–17), pasi pavatenzi venyu (2:18–25) pasi pavarume venyu (3:1–7) muzvirereke zvenyu kana muchiitirwa zvisina ruenzaniso (3:8–12). Munofanira kugara savanhu vaKristu muchiziva kuti mubayiro wenyu uripo.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokutanga yaPita
Kusuma (1:1–2)
Ruponeso rwaKristu (1:3—2:10)
Ukama huri pakati pavakristu (2:11—3:12)
Matambudziko avakristu (3:13—4:19)
Gungano ravakristu semhuri yaMwari (5:1–14)
Zvasarudzwa nguva ino
1 Pita Zviri mutsamba yokutanga yaPita: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.