Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Pita 2:11-24

1 Pita 2:11-24 SCLBD

Vadikanwi ndinokukurudzirai savauyi navatorwa kuti musiyane nehavi dzomuviri dzinorwisana nemweya wenyu. Ivai nomugariro wakanaka mukati mevechirudzi kuti kana vakakurevai savanhu vanoita zvakaipa vazoona mabasa enyu akanaka vagorumbidza Mwari paanokushanyirai. Pamusana paTenzi, zviisei pasi pavanhu vakagadzwa ukuru pakati pavanhu, pangave pasi pamambo somukuru mukuru, kana kumasadunhu vaanenge atuma kundoranga vanoita zvakaipa nokurumbidza vanoita zvakanaka. Chikonzero chacho ndechokuti, nokuita zvakanaka munopwisa kutaura kusina maturo kwavanhu vasina zvavanoziva. Garai savanhu vanerusununguko, asi musingasevenzesi rusununguko rwenyu sechinhu chokuhwanda nacho mukuita zvakaipa, asi garai savaranda vaMwari. Remekedzai vanhu vose, idanai navose nevehama. Ityai Mwari, muremekedze mambo. Vashandi zviisei pasi pavatenzi venyu norukudzo rwose, kwete kune vane mwoyo wakanaka chete kana kuna vane mwoyo munyoro asi kunyange kune vakaoma mwoyo, nokuti chikomborero kuti munhu anotirira zvake nhamo, iye achitambudzika zvisina ruenzaniso, pari pamusana pokuti anoziva kuti kuna Mwari. Unowana mubayiro wei kana ukatirira iwe waroverwa kuita zvakaipa? Asi kana ukaita zvakanaka iwe ugotambudzika nokuda kwazvo iwe ukatirira zvako, chikomborero ichocho pana Mwari. Izvi ndizvoka zvamakadaidzirwa nokuti Kristu akakutambudzikiraiwo achikusiirai muenzaniso kuti mutevere makwara ake. Haana kumbopara chitadzo. Hapana unyengedzi hwakambowanikwa pamuromo pake. Paakanyombwa haana kudzorera nokunyombawo. Paakarwadziwa haana kuti muchazviona asi akavimba naiye anotonga zvino ruenzaniso. Iye akatakura zvitadzo zvedu mumuviri wake pamuti kuti isu zvokutadza tisiyanenazvo tigare upenyu hwoururami. Makarapwa namaronda ake

Verenga chikamu 1 Pita 2