1 Vakorinde Zviri mutsamba yokutanga kuvaKorinde
Zviri mutsamba yokutanga kuvaKorinde
Tsamba yokutanga kuVakorinde yakanyorwa pamusana pezvinhu zvainetsa mukati mesangano rokuKorinde, guta ravaGiriki raivawo guta guru redunhu rehurumende yechiRoma rainzi Akaia. Vakristu vaiva muKorinde ndivo vaiunza kwaari mibvunzo yezvaivanetsa. Ndivo vaitaurira Pauro zvaiitika musangano ravo zvavaiona kuti hazvisi kunyatsofamba zvakanaka kana kuti zvavakanga vasinganyatsonzwisisa. Naizvozvo Pauro akanyora tsamba iyi achida kupindura mibvunzo yavo. Ko zviiko zvaimbonyanya kunetsa kudai muguta iri? Zvimwe zvazvo ndezvizvi: Maiva nokusawirirana panyaya dzoutungamiri (1:12) uye pano zvomugariro wakanaka wohunhu napane zvokukwirirana matare pachavo (6:1–8) uye kushaya hanya pakati pavakanga vakasimba muchitendero navakanga vasina kusimba (6:7–12) kwouya pakati pavapfumi navarombo (11:17–22) napakati pavakanga vakapiwa zvipo zvakasiyana–siyana zvaMweya Mutsvene. Paiva namapatomapato musangano. Vamwe vachizviti ndevaPauro vamwe vachizviti ndevaPita, vamwewo vari vaAporo, vamwewo vachizviti ndevaKristu.
Paiva nezvizvi zvaida kupindurwa zvokuti: tinofanira kuona nokuremekedza sei vatungamiri musangano, kwouya zvorudzidziso, nezvamafambiro ezvinhu musangano napakunamata uye kuti pano ukama hworudzii pakati pedu nezvimwe zvitendero netemberi dzazvo. Rusununguko runorevei? Zvipo zvaMweya Mutsvene zvakamira sei? (12) Ndechipi chikuru chazvo? Ko vanhukadzi vari papi kana tiri pakunamata musangano? (11) Nezvimwe zvakawandawanda sozverudo (13) nokumuka kwavakafa (15).
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokutanga kuvaKorinde
Kusuma (1:1–9)
I: Mapatomapato musangano (1:10—6:20)
a) Kusabatana kwesangano raVakorinde (1:10—4:21)
b) Munhu ari kuita unzenza nomukadzi wababa (5:1–13)
c) Kukwirirana kumatare enyika (6:1–11)
d) Shandisai muviri wenyu kurumbidza Mwari (6:12–20)
II: Mhinduro kumibvunzo yakasiyana–siyana (7:1—14:40)
a) Kuroora, noutsvimborume, noumhandara (7:1–40)
b) Chokudya chakapirwa kuna vaMwari vasirivo (8:1—10:33)
c) Kuzvibata pamunamato waparuzhinji (11:1—14:40)
III: Kumuka kwavakafa (15:1—16:24)
Mazwi okuzarira (15:1–58)
Mupiro wokubatsira vamwe nawo (16:1–4)
Zvirongwa zvaPauro (16:5–12)
Shoko rokupedzisira (16:13–24)
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde Zviri mutsamba yokutanga kuvaKorinde: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.