Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinovaka. Munhu ngaarege kufunga zvinobatsira iye pachake chete asi ngaafunge zvinobatsira mumwe wake. Unogona kudya nyama iri yose inotengeswa pamusika usingabvunzi chinhu kuitira hana yako. Chikonzero chacho ndechokuti nyika ndeyaTenzi nazvose zvirimo mairi. Kana mumwe munhu asiri mutendi akakukoka kundodya iwe uchikwanisa kuenda, idya chose chaanokupa usina kubvunza kuitira hana yako. Asi mumwe munhu akati kwauri ichi chakapirwa sechibayiro, pakadaro apo, pamusana pomunhu akutaurira, uye kuitirawo hana, ndinoreva hana yake kwete yako, rega kuchidya. Ungati, “Rusununguko rwangu rwatadziswa kusvika parunoda here pamusana pehana yomumwe? Ko kana ndichitenda Mwari pakudya ndinopirwei mhosva chokudya chandinodya ndatenda?” Nokudaro kunyange ukadya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, zviite zvose kurumbidza Mwari. Asi usakanganise vaJudha kana vaGiriki kana Sangano raMwari. Sezvandinoita ini kuedza kufadza vanhu vose muna zvose zvandaiita ndisingazviitire ini asi kubatsira voruzhinji kuti vaponeswe.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 10:23-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo