1 Nhoroondo 29
29
Zvipo zvokuvakisa imba yaMwari
1Mambo Dhavhidhi akati kugungano rose, “Mwanangu Soromoni uyu, nyakusarudzwa naMwari, achiri mudiki. Haasati agara nebasa asi basa iguru nokuti muzinda wacho hausi womunhu asi ndewaTenzi Mwari. 2Nokudaro ndakaunganidzira nepandinogonawo napo imba yaMwari ndarama yokugadzirisa zvinhu zvendarama nesirivhawo yokugadzirisa zvinhu zvesirivha nendarira yokugadzirisa zvinhu zvendarira nesimbi yokugadzirisa zvesimbi namapango okugadzirisa zvinhu zvamapango. Ndakaunganidzawo mirwi nemirwi yamatombo eonikisi neokuisa pazvinhu namatombo eandimoni nematombo amavara mavara nemhando nemhando dzamatombo anokosha nedombo romunyakwe. 3Chimwewo ndechokuti, kuwedzera pane izvozvi zvandakaunganidzira imba inoera yacho, ndine upfumiwo hwangu hwendarama nesirivha. Zvino pamusana pechido chandinacho nemba yaMwari wangu ndinohupa kuimba yaMwari wangu. 4Hunoti: ndarama inopfuura zana ramatani, ndarama yokuOfiri nesirivha chaiyo yakanakisa inokarosvika matani mazana maviri ana makumi mana yokudzurura nayo madziro emba iyoyo, 5neyokuzoshandiswa nemhizha dzokugadzira zvinhu; ndarama iri yokugadzirisa zvinhu zvendarama, sirivha iri yokugadzirisawo zvesirivha. Zvino ndiani anonyatsozvipira nomwoyo unoda kuita basa raTenzi nhasi uno?”
6Vakuru vakuru vedzimhuri dzamadzibaba navakuru vakuru vamadzinza avo navakuru vakuru vezviuru nevemazana namakurukota aishandira mambo vakabvisa zvipo nomwoyo unoda. 7Vakabvisa zvokushandisa pabasa remba yaMwari zvinoti: ndarama inopfuura zana ramatani rina matani makumi manomwe, kwouya sirivha inodarika matani mazana matatu ane makumi mana, kwoti ndarira inokarosvika matani mazana matanhatu ana makumi maviri kwozoti simbi inopfuura matani zviuru zvitatu zvina mazana mana.
8Ani naani aiva nematombo anokosha akaaendesa maichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi achichengetwa naJeieri wokwaGerishoni. 9Vanhu vakapembera kufara nokuti ivava ava vakanga vapa nomwoyo unoda. Kanawo mambo Dhavhidhiwo akafara zvikuru kwazvo.
Munamato waDhavhidhi wokurumbidza Tenzi
10Naizvozvo Dhavhidhi akarumbidza Tenzi ari pamberi pegungano rose; Dhavhidhi akati,
“Mwari ngaarumbidzwe, iyemi Tenzi,
Mwari wavaIsiraeri baba wedu nokusingapere.
11Ukuru nesimba nembiri nokukunda
noumambo ndezvenyu imi Tenzi
nokuti zvose zviri mumatenga napasi pano ndezvenyu.
Umambo ndohwenyu imi Tenzi
uye ndimi munokudzwa somusoro wezvose.
12“Zvose zvazvo kupfuma nokukudzwa
zvinobva kwamuri, ndimi munotonga zvose.
Simba noukuru zviri mumaoko enyu,
zviriwo mumaoko enyu kugadza paukuru
nokupawo zvose simba.
13Zvino tinokutendai imi Mwari wedu
tichirumbidza zita renyu rine mbiri.
14“Ko ndiri aniwo zvangu panguwo pano? Kana ivo vanhu vangu chiiwo zvavo, kubva tatokwanisawo kubvisa zvipo kudai nomwoyo unoda; nokuti zvinhu zvose zvinobva kwamuri. Tangotorawo pane zvenyu tikakupaiwo. 15Ndinodaro nokuti kwamuri imimi isu tinongovawo zvedu vatorwa vanhu vokutama-tama sezvaingoitawo madzibaba edu ose. Mazuva edu apasi pano anoita somumvuri usingarambe uripo.
16“Imi Mwari wedu Tenzi, zvose izvi zvakawanda kudai zvataunganidza zvokukuvakirai nazvo imba yokuisa zita renyu rinoera zvinobva mumaoko enyu uye zvose zvazvo ndezvenyu.
17“Mwari wangu ndinoziva kuti munoongorora mwoyo womunhu uye kuti munofarira kururama; nokururama ikoko mumwoyo mangu ndapa zvinhu zvose izvi nomwoyo unoda. Iye zvino ndaonawo vanhu venyu ava vari pano vachikupaiwo zvipo nomwoyo unoda vachifara.
18“Tenzi, Mwari waVaAbhurahamu naVaIsaki navaIsiraeri madzitateguru edu, chengetedzai waro zvinangwa zvakadai narini wose nepfungwa idzodzi muhana dzevanhu venyu muite kuti mwoyo wavo urambe uri kwamuri. 19Itaiwo kuti mwanakomana wangu Soromoni achengete mitemo yenyu nezvirevo zvenyu nemirao yenyu nomwoyo wose azviite zvose uyewo kuti avake muzinda wandakaunganidzira zvinhu zvokuvakisa.”
20Dhavhidhi akazoti kugungano rose, “Rumbidzai Tenzi, Mwari wenyu!” Saizvozvowo gungano rose rakarumbidza Tenzi, Mwari wemadzibaba avo vakati kota kota pasi vachigwadamira Tenzi vakaremekedzawo mambo. 21Vakapira zvibayiro kuna Tenzi. Pazuva ramangwana racho vakapira zvibayiro zvokupisa kuna Tenzi zvehandira chiuru, nechiuru chehondohwe nechiuruwo chehwayana nemipiro yazvo yokuteura kwouya zvibayiro zvizhinji zveIsiraeri yose. 22Vakadya vakanwa pana Tenzi musi iwoyo vachifara zvikuru kwazvo.
Vakadzokerera kugadza umambo Soromoni mwanakomna waDhavhidhi vakamuzodza mutungamiriri wokwaTenzi, Zadhoki ari iye mupristi wacho. 23Saizvozvo Soromoni akagara pachigaro choumambo chaTenzi samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi akabudirira, Isiraeri yose ikamuteerera. 24Vatungamiriri vose nemagamba ose evarume vokurwa hondo nevanakomanawo vose vamambo Dhavhidhi vakabvuma kutongwa namambo Soromoni. 25Tenzi akamupa mukurumbira chaiwo muvaIsiraeri nechiremera choumambo chisina kumbenge chiine mumwe mambo akamutangira muIsiraeri.
Nhoroondo yokutonga kwaDhavhidhi, muchidimu
26Saizvozvo Dhavhidhi mwanakomana waJese akatonga Isiraeri yose. 27Akatonga kwamakore makumi manomwe ari kuHebhuroni. Akazotonga kwamakumi matatu amakore ana makore matatu ari Jerusaremu. 28Akanyatsochembera akakwegura ndokuzofawo zvake aine upfumi nomukurumbira, mwanakomana wake Soromoni akatonga panzvimbo yake. 29Inga nyaya dzezvamambo Dhavhidhi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera, dzakanyorwa wani muNhoroondo dzoMuoni vaSamueri nomuNhoroondo dzaMuporofita Natani nomuNhoroondo dzoMuoni Gadhi 30dzichirondedzera zvose zvokutonga kwake nougamba hwake nezvakaitika kwaari nokuIsiraeri nokuumambo hwose hwenyika dzeko.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Nhoroondo 29: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.