1 Nhoroondo 13
13
Kutakurwa kwebhokisi rechitenderano kuKiriatijearimu
(2 Sam 6:1–11)
1Dhavhidhi akabvunza mazano kuvatungamiriri vezviuru nevemazana navatungamiriri vose zvavo. 2Dhavhidhi akati kugungano rose reIsiraeri, “Kana imi muchizviona kuti zvakanaka uye kuti kana chiricho chido chaTenzi, Mwari wedu, ngatitumirei shoko kuhama dzedu dzakasara munyika yeIsiraeri yose nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta ane mafuro awo kuti vauye tiungane pamwechete, 3tidzosere bhokisi raMwari wedu rechitenderano kuno nokuti pamazuva aSauro takaita sokurishaira hanya.” 4Gungano rose rakabvuma kuita saizvozvo nokuti zvakafadza vanhu vose.
5Saizvozvo Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose kubvira kuShihori yokuIjipiti kusvikira tava kuda kusvika kuHamati kuti bhokisi raMwari rindotorwa kuKiriatijearimu. 6Dhavhidhi neIsiraeri yose vakakwira kuBhaara, Bhaara ndiro Kiriatijearimu kwaJudha kundotora ikoko bhokisi raMwari rechitenderano rine zita raTenzi anogara pana makerubhu. 7Vakatakura bhokisi raMwari rechitenderano racho pachikochikari chitsva kubva kumba yokwaAbhinadhabhu, vanaUza naAhio ndovaichayira chikochikari chitsva ichi. 8Dhavhidhi neIsiraeri yose vaifara vachipemberera Mwari napose pavaigonera kuchiti uku runoimba, ukuwo runoridza zvipendhani, uku madimbwa ukuwo tambureni namakwakwakwa outare namabhosvo.
9Kuzoti vasvika paburiro rokwaKidhoni, Uza akabata bhokisi rechitenderano kurigamha nokuti nzombe dzakanga dzati dzadzarikei. 10Tenzi akavirukira Uza nehasha akabva amuuraya nokuti akabata bhokisi rechitenderano. Akabva afira ipapo pana Tenzi. 11Kuurayiwa kwakaitwa Uza uku naTenzi kwakashungurudza Dhavhidhi. Nzvimbo iyi ichiri kungonzi Perezuza#13:11 muchiHebheru, Peruzuza zvinoreva kuti, “Kuvirukirwa nehasha kwakaitwa Zuza.” nanhasi uno.
12Musi iwoyu, Dhavhidhi akatya Mwari akati, “Zvino bhokisi raMwari rechitenderano, kwangu uku, ringasvike sei pakadai?” 13Nokudaro Dhavhidhi haana kuzoenda nebhokisi rechitenderano kumba kuguta raDhavhidhi, asi akatsaukira naro pamba paObhedhi muGiti. 14Bhokisi raMwari rechitenderano rakagara mumba maObhedhiedhomu muGiti kwemwedzi mitatu. Tenzi akabvawo akomborera mhuri yaObhedhiedhomu nezvaaiva nazvo zvose.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Nhoroondo 13: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.