Zekariya 14
14
1Chinzwa zuva raTENZI riri kuuya rokuti zvinhu zvinenge zvapambwa zvichagovanwa makatarisa. 2Chiripo ndechokuti ndichakokorodza marudzi ose kuzorwisa Jerusaremu. Jerusaremu richakurirwa, dzimba dzigopambwa, vakadzi vachibhinywa. Hafu yeguta irori ichaendwa nayo kuutapwa. Vanhu vanenge vasara havazoparara muguta. 3TENZI ndipo paachandorwisa marudzi iwayo sokurwisa kwaanoita pazuva rehondo. 4Pamusi iwoyo iye achanoti dzi kumira kugomo reMuorivhi riri pakatarisana neJerusaremu kumabvazuva. Gomo reMuorivhi richakamuraniswawo napakati muzvikamu zviviri kubva kumabvazuva zvichienda kumadokero richakamuraniswa nebani guru. Chimwe chikamu chichaenda kuchamhembe chimwe chikamu chichienda kumaodzanyemba. 5Bani iroro rinenge riri pakati pezvikomo richavharwa. Richavharwa kusvika kuJasori. Richavharwa sokuvharwa kwarakaitwa nokundengendeka kwenguva yaUziya mambo wokwaJudha. TENZI Mwari wangu ndipo paachauya pamwechete navarurami vose.#14:5 Navarurami vose: Aya ndiwo matauriro anoita chiGiriki, chiHebheru ndima iyi hachisiri kubuda pachena.
6Pazuva iroro panenge pasina chiedza, pasina kutonhora kana chando 7richange riri zuva riri roga, risina zvokuti masikati kana kuti usiku. Izvi zvinozivikanwa naTENZI. Kana kwasvika nguva yamanheru kunenge kune chiedza.
8Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibva muJerusaremu imwe ichayerera kumabvazuva imwe ichiyerera kumadokero. Icharamba ichingodaro zhizha napachando. 9TENZI achava mambo wapasi pose. Pazuva iroro TENZI achave ndiye oga; zita rake richingova ndiro rimwechetero.
10Nyika yose ichapindutswa kuva bani kubvira kuGebha kusvika kuRimoni kumaodzanyemba eJerusaremu. Asi guta reJerusaremu richaramba rakangoti kangarara, richibvira kusuo guru rokwaBhenjamini kusvika kusuo guru rakare riya, zvichinosvikawo kusuo guru repakona; zvichibvawo panharire yokwaHananeri kusvika kuguvi ramambo rewaini. 11Richange rakagarwa navanhu risisina zvokutsaurirwa kuparadzwa. Jerusaremu richagara murunyararo.
12Iri ndiro denda richapiwa naTENZI kuvanhu vanozoita hondo neJerusaremu: Nyama yavo ichaora ivo vachiri kufamba. Maziso avo achaora mumahobi avo uye rurimi rwavo ruchaora mukanwa mavo.
13Panguva iyoyo TENZI achapazamisa vanhu musoro zvokuti munhu achangoti ruoko rwomumwe ndu–u mumwewo iyeyo ruokowo runenge rwatova mudenga kare rwokurwisana naye. 14Judha chaiyo icharwisana neJerusaremu. Upfumi hwamarudzi akatenderedza ose huchaunganidzwa hunoti ndarama nesirivha namatutu–matutu ezvokupfeka.
15Denda rimwechetero richawirawo mabhiza namanyurusi nengamera namadhongi nedzimwewo mhuka dzingange dziri pamatendhe iwayo.
16Ipapo vanenge vasara pamarudzi ose anouya kuzorwisa Jerusaremu, munhu wose achaenda kuJerusaremu kundonamata Mambo, TENZI wehondo nehondo uye kuzochengeta mazuva makuru amatumba. 17Kana imwe mhuri yapanyika pano ikarega kuenda kuJerusaremu kundonamata Mambo TENZI wehondo nehondo, hainairwe nemvura. 18Kana mhuri yeIjipiti isina kuenda kundoshanya ikoko haichawirwi nenhamo#14:18 ChiGiriki chinoti Ijipiti ichawirwa nenhamo imwecheteyo inowira dzimwe nyika asi ChiHebheru chinoti Ijipiti hahiwirwi nenhamo yakadaro pamwe pamusana pokuti kuIjipiti hakunayi mvura nakare. inopiwa naTENZI mamwe marudzi anorega kuenda kundochengeta mazuva makuru amatumba. 19Ichochi ndicho chichava chirango cheIjipiti uyewo chirango chamarudzi ose asingaendi kundochengeta mazuva makuru amatumba. 20Panguva iyoyo madare anorira amabhiza anenge akanyorwa kunzi, “Zvinoera zvaTENZI.” Poto dzomumba maTENZI dzichange dzakangoita sendiro dziri pamberi peatari.
21MuJerusaremu nomaJudha, poto iri yose zvayo inenge iri inoera yaTENZI wehondo nehondo. Uku kunenge kuri kuitira kuti vanoda kupira chibayiro vanogona kuuya vachidzitora vachibikira nyama yechibayiro madziri. Hapazofanira kuva nomunhu anoita mhindu dzokutengesa mumba yaTENZI wehondo nehondo pazuva iroro.
Zvasarudzwa nguva ino
Zekariya 14: SCLBC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.