Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maraki 2

2
1“Zvino imi vapristi mutemo uyu mutemo wenyu. 2Kana mukarega kuteerera kana kurega henyu kuuisa mumwoyo kuti mupe mbiri kuzita rangu ndizvo zviri kutaura Tenzi, inini ndichati muwirwe nejambwa. Ndichati zvikomborero zvenyu zvive jambwa nazvinowo ndatozviti zvive jambwa nokuti hamuuise mumwoyo. 3Chinzwai ndichati zvibereko zvenyu zviwirwe norushambwa, ndichakuzora–zorai uso nendove, ndove yemipiro yenyu uye ndigokubvisai kwandiri. 4Ndopamuchazoziva kuti ndakutemerai murao iwoyu kuitira kuti chitenderano changu nevokwaRevhi chibate. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
5“Chitenderano changu chandakaita naye chakanga chiri chitenderano choupenyu norugare. Ndakamupa izvozvo kuitira kuti agotyawo, saizvozvowo ainditya achidedera kwazvo zita rangu.
6“Rudzidziso#2:6 Rudzidziso: Izwi rakashandiswa pano apa rinorevawo kuti mutemo. Tarisaiwo Hagai 2:10–13, Mupiro 10:8–11 Kutsinhira Mutemo 33.8. rwechokwadi
ruri pamuromo pake,
uipi hahwaiwanikwa
pamuromo pake.
Akafamba neni
mukuwadzana nomukururama.
Akadzora vazhinji kuhuipi.
7Ndinodaro nokuti
miromo yomupristi
inofanira kuchengetedza ruzivo.
Vanhu vanotsvaka rudzidziso
kumuromo wake#2:7 Kumuromo wake: ndima iyoyi inogona kuturikirwawo ichinzi miromo yomupristi inotariswa (navanhu) vanhu vanotsvaka ruzivo nekutonga kumuromo kwake.
nokuti iye inhumwa
yaTENZI wehondo nehondo.
8“Asi imimi makatsauka mugwara,
makaitisa kuti vakawanda vapingiridzwe
nechidzidziso chenyu.
Makan'oresa chitenderano chokwaRevhi
ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
9Ndokusaka
ini ndavakuitawo kuti
imi muve vanhu vakashoreka
vokupedzesera zvavo kuvanhu vose
sokuregawo kuchengeta
nzira dzangu kwamakaita,
makatoita zvenyu rusaruro pane zvemitemo.”
Kusatendeka kwavanhu kuna Mwari
10Handiti tina baba mumwechete here? Hatina kusikwa naMwari mumwechete here? Nemhaka yei tichirega kuitirana zvakatendeka tichin'oresa chitenderano chemadzibaba edu kudai. 11VokwaJudha havana kutendeka, muIsiraeri nomuJerusaremu makaitwa zvinhu zvisingadiwi naMwari. Chikonzero ndechokuti vokwaJudha vakan'oresa Nzvimbo Inoera yaTenzi yapamwoyo, vachitoroora zvavo vanasikana vokuvamwari vasiri ivo. 12Dai TENZI angoiti munhu iyeyo asawane uchapupu kana kurevererwa mumisasa yematendhe yovokwaJakobho paanouya nomupiro kuna Tenzi wehondo nehondo.
13Zvimwewo zvamunoita ndezvizvi: munochakatisa atari yaTenzi nemisodzi nokuhwihwidza kuchema nokuungudza nokuti haasisina hanya nomupiro kana kuugamuchira nomufaro mumaoko enyu. 14Munobvunza kuti, “Ko chaanoregerera chii?” Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi ndiye chapupu chinopupurira chitenderano chako iwe nomudzimai akakubvisa mugota wausina kutendeka kwaari iye ari mumwe wako uyezve ari mudzimai wako wechitenderano. 15Haasiri iye here akavaita chinhu chimwechete akaramba angotichengetera mweya woupenyu? Shungu dzake ipapo ndedzokuitei chaizvo? Handiti kuti pamuke rudzi runotya Mwari? Saka chichenjererai kuti munhu arege kuva asina kutendeseka kumudzimai wake akamubvisa mugota, 16nokuti, “Ndinovenga kurambana.” Ndizvo zvinotaura Tenzi, Mwari weIsiraeri, uye munhu anopfeka utsinye sehembe. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Naizvozvo imi ngwarirai mweya yenyu murege kuva vanyengedzi.
Zuva rokutonga raswedera
17Mapfuvisa Tenzi nezvamunotaura. Asi imi munoti, “Tamupfuvisa seiko chaizvo?” Nokutaura muchiti, “Vose vanoita zvakaipa ndivo vakanaka pana Tenzi uye ndivo vaanofarira ivavo.” Kana nokubvunza kuti, “Ko Mwari woruenzaniso aripi?”

Zvasarudzwa nguva ino

Maraki 2: SCLBC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda