Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 29

29
Jakobho anosvika kumusha kwaRabhani
1Jakobho akabvapo osumudzira rwendo rwake rwokuenda kunyika yavanhu vokumabvazuva. 2Akatarisa akaona tsime musango ndiye onei matanga matatu ehwai dzakanga dzirerepo zvadzo, ndopavainwisa zvipfuwo zvavo mvura. Pamuromo wetsime racho pakanga pane ibwe guru kwazvo. 3Vafudzi vaiti kana zvipfuwo zvavapo zvose, vaikungurutsa ibwe riya pamuromo wetsime, vopa hwai dzavo mvura yokunwa, vozodzosera ibwe riya pakare pamuromo wetsime.
4Jakobho akabvunza vafudzi kuti, “Ko, munobva kupiko nhai hama dzangu?” Vakati, “Tinobva kuHarani.”
5Jakobho ndokuti, “Ko munozivawo here Rabhani mwana wokwaNahori?” Ivo vakati, “Tinomuziva.”
6Akati kwavari, “Akadii zvake?” Ivo vakati, “Aripo zvake! Mwanasikana wake, Rakeri ndiye uyo ari kuuya nehwai uyo!”
7Jakobho akati, “Ko zvaachiri masikati wani! Inga nguva yokukokorodza nokuunganidza zvipfuwo haisati yakwana! Ko madii kupa hwai mvura maenda nadzo kumbondodzifudzazve?”
8Vafudzi vakati, “Hatingadzipe mvura kunze kwokunge mamwe matanga ose aungana, ibwe rapamuromo wetsime rakungurutswa. Ndopatinopa hwai dzedu mvura yokunwa.”
9Achingunotaura kudaro navarume vaye, Rakeri akasvika nehwai dzababa vake nokuti ndiye aiva mufudzi wadzo. 10Jakobho akati achiona Rakeri mwana waRabhani, hanzvadzi yaamai vake, nehwai dzaRabhani sekuru vake, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, ndokupa hwai dzasekuru vake mvura yokunwa. 11Jakobho akatsvoda Rakeri achikwazisana naye, akaburitsa misodzi yokufara. 12Akataurira Rakeri kuti, “Ini ndiri muzukuru wababa wako. Ndiri mwana waRibheka.” Rakeri ndokubva amhanyira kundoudza baba vake.
13Rabhani paakanzwa nezvaJakobho mwana wehanzvadzi yake akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akamutsvoda ndokuenda naye kumba kwake. Jakobho akarondedzera Rabhani zvinhu izvozvi zvose. 14Rabhani ndokuti, “Iwe uri hama yangu chaiyo! Tiri veropa rimwe chete!” Jakobho akagara nasekuru wake mwedzi wose.
Jakobho anoitira Rea naRakeri ugariri
15Rabhani akazoti kuna Jakobho, “Kunyange zvazvo uri hama yangu, ndopaungandishandire here pasina chaunowana? Chindiudza kuti ndokupawo pakadii.” 16Zvino Rabhani aiva navanasikana vake vaviri, mukuru ainzi Rea, muduku achinzi Rakeri. 17Rea aiva akatsvetsvereka maziso, asi Rakeri aiva tsvarakadenga yomusikana kunaka aino uso hunoyevedza.
18Jakobho aida Rakeri saka akati, “Ndichagara makore manomwe ndichiitira Rakeri mwanasikana wenyu muduku ugariri.” 19Rabhani ndokuti, “Zviri nani kuti ndimupe zvangu kwauri pane kumupa kune mumwewo murume.” 20Saka Jakobho akashanda makore manomwe achiitira Rakeri ugariri. Pamusana pokuti aimuda, Jakobho akaona makore acho semazuva mashomanana.
21Jakobho akazoti kuna Rabhani, “Chindipaiwo mukadzi wangu ndichipinda naye mumba nokuti mazuva atakatarirana akwana.” 22Rabhani akaita mabiko ndokukoka vanhu vomunharaunda iyoyo. 23Akati ava manheru, Rabhani akaenda naRea akandomupereka kuna Jakobho akabva azivana naye. 24Rabhani akapa muranda wake wechikadzi ainzi Ziripa kuna Rea kuti ave muranda wake. 25Kuzoti kwaedza, Jakobho akatarisa akaona kuti ndiRea. Jakobho akati kuna Rabhani, “Ko ndicho chiiko ichochi chamandiitira? Handiti Rakeri ndiye wandakaitira ugariri? Zvino mandinyengedzerei kudai?”
26Rabhani ndokuti, “Kuno kwedu hazviitwe kuti muduku aroorwe dangwe richigere. 27Chimbopedza zvako vhiki remabiko uina Rea, tigozoti tokupa Rakeri. Asi ndokunge wabvuma zvokumushandira mamwe makore manomwe.”
28Jakobho akabvuma akapedza svondo iroro naRea, Rabhani akazomupawo Rakeri kuti ave mudzimai wake. 29Rabhani akatora muranda wake wechikadzi ainzi Bhiriha akapa kuna Rakeri kuti ave muranda wake. 30Jakobho akazivanawo naRakeri. Zvakanga zviripo chaizvo ndezvokuti aida Rakeri kupinda Rea ndokusaka akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe zvakare.
Kuberekwa kwavana vaJakobho
31Tenzi akaona kuti Rea aivengwa ndokubva amupa mbereko, asi Rakeri akanga asina mbereko. 32Rea akava napamuviri akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Rubheni#29:32 Rubheni: Zvinoreva kuti Onai mwana. achiti, “Tenzi aonawo nhamo yangu! Zvino murume wangu achandidawo kwazvo!”
33Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Tenzi anzwa kuti ndinovengwa saka andipazve mwana mukomana uyu.” Akamutumidza zita rokuti Simeoni. 34Rea akava napamuviri zvakare akabereka mwana mukomana akati, “Rwendo runo murume wangu achandida nokuti ndamuberekera vana vakomana ava vatatu.” Saka vakamutumidza zita rokuti Revhi. 35Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Zvino ndochirumbidza Tenzi.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ndokubva amira kubereka.

Zvasarudzwa nguva ino

Mavambo 29: SCLBC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda