Zekariya 5
5
Chiratidzo chechitanhatu chorugwaro rwakapetwa
1Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwakapetwa ruchibhururuka. 2Akati kwandiri, “Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, ‘Ndinoona rugwaro rwakapetwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, novupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.’ ”
3Ipapo akati kwandiri, “Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo; uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo. 4Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo.”
Chiratidzo chechinomwe, chomukadzi akabata efa
5Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, “Chirinzira meso ako zvino, uone chinobudapo.”
6Ini ndikati, “Chinyiko?” Iye akati, “Ndiyo efa inobudapo.” Akatizve, “Ndizvo zvavakaita panyika yose;” 7(zvino ndikaona tarenta romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa.
8Akati, “Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo.” 9Ipapo ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vanamapapiro akafanana namapapiro ezimuda; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga.
10Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, “Vanondoisepiko efa?”
11Iye akati kwandiri, “Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zekariya 5: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002