Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:9-16

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:9-16 SNA2002

Wanditorera mwoyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera mwoyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako. Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuwira! Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi ouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebhanoni. Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa. Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenarido, Narido nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira. Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni. Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.