Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 1
1
Kudana nokufarirana kwomwenga nechikomba
1Rwiyo rukuru rwaSoromoni.
2Ngaanditsvode nokutsvoda kwomuromo wake;
Nokuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini.
3Zvizoro zvako zvinonhuwira zvakanaka;
Zita rako rakaita samafuta akadururwa;
Saka mhandara dzinokuda.
4Ndikwevere kwauri; tichakutevera tichimhanya;
Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati;
Tichafara nokukufarira zvikuru iwe;
Ticharumbidza rudo rwako kupfuura waini;
Zvakarurama zvavakakuda.
5Ndakasviba, asi ndakanaka hangu,
Imi vakunda veJerusaremu,
Samatende eKedhari,
Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni.
6Musanditarira, zvandakasviba,
Nokuti zuva rakandipisa.
Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira,
Vakandiita murindi weminda yemidzambiringa;
Asi munda wangu wemidzambiringa
handina kuuchengeta.
7Ndiudze iwe, unodikanwa nomweya wangu,
Kuti unofudza boka rako kupi,
Kuti unorizorodza kupi masikati;
Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso
Pakati pamapoka eshamwari dzako?
8Kana usingazivi, iwe unopfuura
vakadzi vose nokunaka,
Tevera makwara amapoka,
Ufudze makwayana ako kurutivi
rwamatende avafudzi.
9Ndakakufananidzira iwe, shamwari yangu,
Nebhiza pangoro dzaFarao.
10Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi;
Mutsipa wako nezvibwe zvinokosha zvakatungirwa.
11Tichakuitira zvirukwa zvendarama
Nezvuma zvesirivha.
12Nguva yose mambo agere patafura yake,
Nado yangu yakabudisa kunhuwira kwayo.
13Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura,
Inogara pakati pamazamu angu.
14Mudiwa wangu akaita kwandiri
sesumbu ramaruva ehena,
Paminda yemidzambiringa paEngedhi.
15Tarira, akanaka, shamwari yangu;
Tarira, akanaka;
Meso ako akafanana neenjiva.
16Tarira, akanaka, mudiwa wangu,
zvirokwazvo, unofadza;
Uvato hwedu ndipo pabumhudza.
17Matanda eimba yedu ndeemisidhari;
Mbariro dzayo ndedzemisiperesi.
Zvasarudzwa nguva ino
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002