Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 2:1-9

Rute 2:1-9 SNA2002

Zvino Naomi wakanga ane hama yomurume wake, murume wakanga ane simba nepfuma, weimba yaErimereki, wainzi Bhoazi. Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha.” Akati kwaari, “Enda hako, mwana wangu.” Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhoazi weimba yaErimereki. Zvino wonei, Bhoazi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, “Jehovha ave nemi.” Ivo vakapindura, vakati kwaari, “Jehovha akuropafadzeiwo.” Bhoazi akati kumuranda wake wakanga ari mutariri wavacheki, “Musikana uyu ndowaaniko?” Muranda, wakanga ari mutariri wavacheki, akapindura akati, “Ndiye musikana muMoabhu, wakadzoka naNaomi vachibva kunyika yaMoabhu, iye akati, ‘Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote,’ naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, asi wakagara mumba nguva duku.” Ipapo Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa hako, mwanasikana wangu. Usandounganidza kunomumwe munda, uye usabva pano, asi urambire pano kuvasikana vangu. Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya.”

Verenga chikamu Rute 2