Varoma 8
8
Upenyu hutsva muna Jesu Kristu
1Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu. 2Nokuti murayiro woMweya woupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura pamurayiro wezvivi noworufu.
3Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurayiro, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, akapa mhosva zvivi zviri munyama; 4kuti zvakarehwa nomurayiro zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya. 5Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama; asi vari vomweya, vanofunga zvomweya. 6Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndihwo hupenyu norugare; 7nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari; hakugoniwo; 8zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.
9Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati mwenyu. Asi kana munhu asina Mweya waKristu, haazi wake.
10Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama. 11Zvino kana Mweya waiyeyo akamutsa Jesu kuvakafa achigara mukati menyu, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa, achaponesa miviri yenyu inofa noMweya wake, unogara mukati menyu.
12Naizvozvo, hama dzangu, hatina mungava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama. 13Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama; 14nokuti vose vanotungamirirwa naMweya waMwari, ndivo vana vaMwari. 15Nokuti hamuna kupiwa mweya wouranda kuti mutyezve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti, “Aba, baba.” 16Mweya amene anopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; 17zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwechete naKristu; kana tichitambudzika pamwechete naye, tigokudzwawo pamwechete naye.
18Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. 19Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. 20Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, 21zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. 22Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino.
23Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuo, kunyange tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.
24Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani anotarira chaanoona? 25Asi kana tichitarira chatisingaoni, tinochimirira nokutsungirira.
26Saizvozvo Mweya anobatiranawo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi; 27uyo anonzvera mwoyo, ndiye anoziva kufunga kwoMweya, nokuti anonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari.
28Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobatirana kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga. 29Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji; 30avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaakadana, ndivo vaakaruramisawo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
31Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko achatirwisa? 32Iye asina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose pamwechete naye?
33Ndianiko achakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye anoruramisa. 34Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye akafa, zvikuru ndiye akamutswa kuvakafa, ari kurudyi rwaMwari, anotinyengetererawo. 35Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here? 36Sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
“Nokuda kwenyu tinourawa zuva rose;
Takanzi tiri makwai anobayiwa.”
37Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuurisa naiye wakatida. 38Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, 39kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 8: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002