Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobatirana kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji; avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaakadana, ndivo vaakaruramisawo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko achatirwisa? Iye asina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose pamwechete naye?
Ndianiko achakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye anoruramisa. Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye akafa, zvikuru ndiye akamutswa kuvakafa, ari kurudyi rwaMwari, anotinyengetererawo. Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
“Nokuda kwenyu tinourawa zuva rose;
Takanzi tiri makwai anobayiwa.”
Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuurisa naiye wakatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.