Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 8:16-25

Varoma 8:16-25 SNA2002

Mweya amene anopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwechete naKristu; kana tichitambudzika pamwechete naye, tigokudzwawo pamwechete naye. Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino. Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuo, kunyange tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu. Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani anotarira chaanoona? Asi kana tichitarira chatisingaoni, tinochimirira nokutsungirira.

Verenga chikamu Varoma 8