Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu. Nokuti murayiro woMweya woupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura pamurayiro wezvivi noworufu. Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurayiro, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, akapa mhosva zvivi zviri munyama; kuti zvakarehwa nomurayiro zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya. Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama; asi vari vomweya, vanofunga zvomweya. Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndihwo hupenyu norugare; nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari; hakugoniwo; zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati mwenyu. Asi kana munhu asina Mweya waKristu, haazi wake. Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama.
Verenga chikamu Varoma 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 8:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo