Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 7:1-13

Varoma 7:1-13 SNA2002

Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murayiro), kuti murayiro unobata munhu nguva yose youpenyu hwake? Nokuti mukadzi, anomurume, akasungwa nomurayiro kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, asunungurwa pamurayiro womurume. Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, achanzi chipfeve asi kana murume wake afa, asununguka pamurayiro, zvino haazi chipfeve kunyange akawanikwa nomumwe murume. Saka, hama dzangu nemiwo makaitwa vakafa kumurayiro nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye akamutswa muvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko. Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurayiro, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu. Asi zvino takasunungurwa pamurayiro, takafa kuna izvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare. Zvino tichatiiko? Murayiro zvivi here? Haisva! Asi handizaiziva zvivi kana murayiro usaivapo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murayiro usina kuti, “Usachiva;” zvino zvivi zvakawana nzira nomurayiro, zvikaita mandiri mitoo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurayiro zvivi zvakafa. Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurayiro, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa; nomutemo iwo waifanira kuisa kuupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu; nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera, zvikandiuraya nawo. Naizvozvo murayiro mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka. Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haisva! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvokwazvo.

Verenga chikamu Varoma 7